Scripture Stories
Musha Mutsva muNyika yeChipikirwa


“Musha Mutsva muNyika yeChipikirwa,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Musha Mutsva muNyika yeChipikirwa,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

2 Nifai 4–5

Musha Mutsva muNyika yeChipikirwa

VaNifai nevaRamani

Mufananidzo
mhuri dzakakomberedza Rihai

Mhuri yaRihai naSaria yakaramba ichikura munyika yechipikirwa. Vana vavo vakanga vava nevana vavowo. Rihai aiva ave kukwegura. Asati afa, akapa maropafadzo kuvanhu vemumhuri make. Akavaudza kuti apo pavanochengeta mirairo yaMwari, Ishe vanozovabatsira.

2 Nifai 4:3–12

Mufananidzo
Ramani naRemueri vakatarisa Nifai

Mushure mokunge Rihai afa, Nifai akatungamira vanhu. Akavaudza kuti vateerere Ishe. Ramani naRemueri vakashatirwa. Vaida kuuraya Nifai kuitira kuti ivo vagotungamira pachinzvimbo chake.

2 Nifai 4:13; 5:1–4

Mufananidzo
boka revanhu vari parwendo

Ishe vakaudza Nifai kuti abve nemhuri yake uye neavo vose vaida kutevera Ishe. Vakafamba kwemazuva mazhinji uye vakawana nzvimbo itsva yokugara.

2 Nifai 5:1, 5–8

Mufananidzo
vanhu vachirima

Avo vakaenda naNifai vakadaidzwa kuti vaNifai, uye avo vakasara vakadaidzwa kuti vaRamani. VaNifai vakakumbira Nifai kuti avatungamire. Vakashanda nesimba. Vakarima, vakapfuya mhuka, uye vakavaka temberi nezvimwewo zvivako. Vapirisita navadzidzisi vakavadzidzisa pamusoro paIshe, uye vanhu vaifara.

2 Nifai 5:9–11, 13–17, 26–27