Scripture Stories
Rutendo rwaMambokadzi


“Rutendo rwaMambokadzi,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Rutendo rwaMambokadzi,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

Aruma 18–19

Rutendo rwaMambokadzi

Kuwana mufaro muna Jesu Kritsu

Mufananidzo
murume wamambokadzi achiwira pasi

Mambokadzi wavaRamani aitonga nemurume wake, Mambo Ramoni. Mambo akakumbira muNifai ainzi Amoni kuti amudzidzise pamusoro paIshe. Mambo akatenda izvo zvaakaudzwa naAmoni. Mambo akapfugama kuti anamate uye akakumbira Ishe kuti vamuregerere. Apo paainamata, mambo akawira pasi. Zvairatidzika sokunge aiva afa.

Aruma 18:21, 24–42

Mufananidzo
mambokadzi akatarisa murume wake aiva awa

Varanda vamambo vakamutora kuenda naye kuna mambokadzi. Vakamuisa pamubhedha pake. Akarara ipapo uye haana kusuduruka kwemazuva maviri neusiku huviri.

Aruma 18:43

Mufananidzo
mambokadzi achitaura nemuranda

Munguva iyoyo, mambokadzi nevana vake vakasuwa zvikuru. Vakagara namambo uye vakamuchema. Vamwe vanhu vakati mambo aifanira kuvigwa. Asi mambokadzi aida kutanga ataura naAmoni. Akanzwa kuti akanga ainesimba raMwari. Varanda vamambokadzi vakakumbira Amoni kuti auye kuna mambokadzi.

Aruma 18:43; 19:1–3, 5

Mufananidzo
mambokadzi achitaura kuna Amoni

Mambokadzi akaudza Amoni kuti aiva anzwa kuti aiva muporofita waMwari. Akakumbira Amoni kuti aende anoona mambo. Amoni aiziva kuti mambo aiva mupenyu. Raiva simba raMwari rakakonzera mambo kuti arare. Amoni akaudza mambokadzi kuti murume wake aizomuka nezuva raitevera.

Aruma 19:3–8

Mufananidzo
mambokadzi akazorodza musoro wake pamurume wake

Mambokadzi akavimba naAmoni uye akanga aine rutendo rukuru muna Mwari. Akatenda kuti murume wake aizomuka muzuva raitevera. Amoni akati aiva aropafadzwa nokuda kwerutendo rwake rukuru. Akaudza mambokadzi kuti akanga ane rutendo rukuru kupfuura urwo vanhu vake rwavakanga vainarwo. Mambokadzi akagara pedyo uye akarindira murume wake usiku hwose.

Aruma 19:9–11

Mufananidzo
mambokadzi achifara kuti murume wake amuka

Zuva raitevera, mambo akamuka. Akaudza mambokadzi kuti akanga aona Jesu Kritsu. Mambokadzi namambo vakaziva kuti Jesu aivada zvakadii, uye vakazadzwa nomufaro.

Aruma 19:12–13