Scripture Stories
Aruma ari paMvura dzaMormoni


“Aruma ari paMvura dzaMormoni,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Mosaya 18; 23

Aruma ari paMvura dzaMormoni

Kuva vanhu vaMwari

Mufananidzo
Aruma anotarisa mvura

Aruma aimbova mupirisita wamambo ainzi Noa. Aruma akaedza kuponesa Abinadai, muporofita waMwari, kubva mukuuraiwa naNoa. Asi Noa akashatirirwa Aruma uye aida kuurayawo Alma. Aruma akatiza kubva kuna Noa kuti azvidzivirire. Munguva dzemasikati, Aruma aivanda pedyo nenzvimbo yainzi Mvura dzaMormoni.

Mosaya 17:2–4; 18:4–5, 8

Mufananidzo
Aruma anopfugama uye anonamata pedyo nemvura

Aruma akatenda izvo Abinadai zvaakadzidzisa pamusoro paJesu Kristu. Akakumbira Mwari kuti vamuregerere zvivi nezvikanganiso zvake.

Mosaya 18:1–2

Mufananidzo
Aruma ari muguta usiku

Aruma akasangana nevanhu muchivande uye akavadzidzisa pamusoro paJesu. Akadzidzisa munhu wose uyo aida kuteerera.

Mosaya 18:1–3

Mufananidzo
Vanhu vanoteerera Aruma achidzidzisa pedyo nemvura

Vanhu vazhinji vakatenda zvaitaurwa naAruma. Vakaenda kumvura dzaMormoni kunonzwa Aruma achidzidzisa

Mosaya 18:3–8, 31

Mufananidzo
Aruma anogara pasi uye odzidzisa pedyo nemvura

Vatendi vaida kudaidzwa kunzi vanhu vaMwari, kubatsira vanoshaya, uye kuudza vanhu pamusoro paMwari. Saka Aruma akavakoka kuti vabhabhatidzwe. Kuburikidza nokubhabhatidzwa, vaizoita chibvumirano, kana vimbiso, naMwari kuVashandira uye nokuchengetedza mirairo Yavo. Mukudzorera, Mwari vaizovaropafadza neMweya Wavo.

Mosaya 18:8–10, 13

Mufananidzo
Aruma anobhabhatidza mudzimai mumvura

Vanhu vakafara zvikuru. Vakaombera maoko avo uye vakati vaida kubhabhatidzwa. Aruma akabhabhatidza mumwe nemumwe wavo muMvura dzaMormoni. Vose vakazadzwa neMweya waMwari uye vakanzwa rudo rwaMwari kwavari. Vakava nhengo dzeChechi yaKristu.

Mosaya 18:11–17, 30

Mufananidzo
Mambo Noa akashatirwa uye anonongedzera

Noa akaona kuti vamwe vevanhu vake vakanga vavakubva munyika yake. Akatuma varanda vake kuti vavatarise. Varanda vakaona vanhu vachienda kunyika yaMormoni kunonzwa dzidziso dzaAruma. Noa akashatirwa zvikuru. Akatuma mauto ake kunouraya Aruma navanhu avo Aruma vaaidzidzisa.

Mosaya 18:31–33

Mufananidzo
Aruma navanhu vake vanoenda parwendo

Mwari vakayambira Aruma pamusoro pamauto. Nerubatsiro rwaMwari, Aruma navanhu vake vakabuda munyika vakachengetedzeka. Mauto haana kukwanisa kuvabata. Vakafamba kwemazuva masere murenje uye vakasvika kunyika yakanaka zvikuru. Vakavaka dzimba itsva ikoko. Aruma akadzidzisa vanhu, uye vakachengeta vimbiso yavo kuna Mwari.

Mosaya 18:34–35; 23:1–20