Scripture Stories
Ishmaeri neMhuri Yake


“Ishmaeri neMhuri Yake,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

1 Nifai 7

Ishmaeri neMhuri Yake

Kupinda murwendo rwekunyika yechipikirwa

Mufananidzo
Nifai namadzikoma vachifamba vakananga kumavira zuva neparwizi

Mhuri yaRihai naSaria yakagara yoga murenje. Rimwe zuva, Ishe vakaudza Rihai kuti atume vanakomana vake, Ramani, Remueri, Samu, naNifai, kuJerusarema. Vakatumwa kunokumbira Ishmaeri nemhuri yake kuti vabatane navo. Pamwechete mhuri dzavo dzaizokwanisa kurera vana munyika yechipikirwa.

1 Nifai 7:1–3

Mufananidzo
Nifai achitaura kumhuri yaIshmaeri

Ishmaeri nemhuri yake vaida kutevera Ishe. Vaitenda kuti Ishe vaida kuti vabatane nemhuri yaRihai naSarai. Vakasarudza kusiya Jerusarema uye kunosangana naRihai murenje.

1 Nifai 7:4–5

Mufananidzo
Ramani naRemueri vachitaura

Murwendo rwavo, vamwe vanhu vakanga vasisadi kuteerera. Vaida kudzokera kumba. Nifai akavakumbira kuti vave nerutendo muna Ishe.

1 Nifai 7:6–13

Mufananidzo
Nifai akasungirirwa pamuti

Nifai akati Ishe vaikwanisa kuita chinhu chipi zvacho kana vakanga vaine rutendo. Asi Ramani naRemueri vakashatirwa. Vakasunga Nifai uye vaida kumusiya murenje.

1 Nifai 7:12, 16

Mufananidzo
Mwanasika vaIshmaeri achidzivirira Nifai

Nifai akanamatira rubatsiro. Tambo dzakasvudzunuka, uye Nifai akasumuka akamira. Asi Ramani naRemueri vaiva vachiri kuda kumukuvadza. Mumwe wavanasikana vaIshmaeri akadzivirira Nifai. Amai vake nemumwe wehanzvadzi dzake vakamudzivirirawo. Ramani naRemueri vakavateerera uye vakaregera kuda kuedza kukuvadza Nifai.

1 Nifai 7:17–19

Mufananidzo
Ramani naRemueri vakapfugama pamberi paNifai

Ramani naRemueri vakanzwa urombo pamusoro pezvakavanga vaita. Vakakumbira Nifai kuti avaregerere. Nifai akaregerera madzikoma ake. Zvino Ramani naRemueri vakanamata uye vakakumbira Ishe kuti vavaregerere.

1 Nifai 7:20–21

Mufananidzo
Rihai naIshmaeri vakatarira mhuri dzavo

Vose vakaenderera mberi nerwendo rwavo uye vakanosvika patende yaRihai naSarai. Pakupedzisira, mhuri mbiri idzi dzakanga dzava pamwechete. Vakatenda Ishe uye vakaVanamata.

1 Nifai 7:21–22