Scripture Stories
Teangumu naMoronai


“Teangumu naMoronai,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 62

Teangumu naMoronai

Kuratidza ushingi hukuru

Mufananidzo
Amoroni aine mauto echiRamani achirwa nemauto echiNifai

Mushure mokunge Amarikia afa, Amoroni akava mambo wavaRamani. Amoroni akaramba achirwa navaNifai. Hondo yakaenderera kwemakore. VaNifai vakatanga kukunda, saka mauto ose echiRamani akatizira kuguta rimwechete. Moronai, Teangumu, nemumwe kaputeni wechiNifai vakafora vachitevera vaRamani nemauto avo.

Aruma 52:3–4; 54:16–24; 62:12–35

Mufananidzo
Teangumu anobata pfumo uye anosvika muguta husiku

Teangumu aiva akashatirwa kuti Amarikia naAmoroni vakanga vakonzera hondo huru uye refu iyi. Nokuda kwehondo, vanhu vakawanda vakanga vafa uye kwaiva nezvokudya zvishomanana. Teangumu aida kugumisa hondo. Akaenda muguta pausiku kunotsvaga Amoroni.

Aruma 62:35–36

Mufananidzo
Teangumu anobata tambo ine chikochekero uye anosvetuka napamusoro perusvingo

Teangumu akakwira napamusoro perusvingo rweguta. Akaenda kunzvimbo nenzvimbo muguta kusvikira awana uko Amoroni kwaaiva akarara.

Aruma 62:36

Mufananidzo
Teangumu anomira pamukova wetende aine pfumo netambo

Teangumu akakandira pfumo kuna Amoroni. Rakamubaya pedyo nemwoyo. Asi Amoroni akamutsa varanda vake asati afa.

Aruma 62:36

Mufananidzo
Teangumu anotarisana namasoja echiRamani ane mapfumo

Varanda vaAmoroni vakadzingirira Teangumu uye vakamuuraya. Vamwe vatungamiri vechiNifai vakasuwa zvikuru nekufa kwaTeangumu. Akanga arwira rusununguko rwavanhu vake zvine ushingi.

Aruma 62:36–37

Mufananidzo
Masoja echiNifai vanobata masoja echiRamani

Kunyange zvazvo akafa, Teangumu akanga abatsira VaNifai kukunda muhondo yacho. Akanga aita kuti vaRamani varasikirwe nemutungamiri wavo. Mangwanani akatevera, Moronai akarwa navaRamani uye akakunda. VaRamani vakabuda munyika yevaNifai, uye hondo yacho yakapera.

Aruma 62:37–38

Mufananidzo
Kaputeni Moronai anoraira varume vari kuvaka musha, uye mhuri dzinotarisa

Pokupedzisira kwaiva nerunyararo. Moronai akashanda nesimba kuti nyika yavaNifai kuita kuti nyika yavaNifai ive yakanyanya kuchengeteka kubva kuvaRamani, Zvino Moronai akaenda kumusha kunogara murunyararo. Vaporofita vakadzidzisa vhangeri uye vakatumgamira Chechi yaMwari. Vanhu vakavimba muna Ishe, uye Ishe vakavaropafadza.

Aruma 62:39–51