Scripture Stories
Riahona neUta Hwakatyoka


“Riahona neUta Hwakatyoka,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

1 Nifai 16

Riahona neUta Hwakatyoka

Kutsvaka rubatsiro rwaIshe

Mufananidzo
mhuri dzakagara pamoto pamusasa

Mhuri dzaRihai naIshmaeri dzakafamba murenje kwemakore mazhinji. Ishe vakavabatsira kupfuura nemumativi arinani enyika. Vaifanira kuvhima nokuunganidza zvokudya nemurwendo rwavo. Rwaiva rwendo rwakaoma.

1 Nifai 16:14; 17:1, 4

Mufananidzo
Rihai akatarisa kuzuva rinobuda

Ishe vakavimbisa kutungamirira mhuri idzi kunyika yakanaka kana vakachengeta mirairo. Vaiva vasingazivi kuti nyika yacho vaiyiwana sei, asi Vaizovatungamirira.

1 Nifai 2:20; 10:13; 17:13–14

Mufananidzo
Rihai akabata Riahona

Rumwe rungwanani, Rihai akashamisika kuwana chibhora chendarira panze petende yake. Chibhora chacho chainzi Riahona. Mukati meRiahona, munongedzo wainongedzera nzira yaifanira kufambwa neboka iri. Dzimwe nguva vaiwana mashoko kubva kuna Ishe akanyorwa paRiahona. Aya ndiwo matungamiriro ayo Ishe avaivaita.

1 Nifai 16:10, 16, 26–29; Aruma 37:38

Mufananidzo
Nifai aineuta hwakatyoka uye Ramani naRemueri vachitsutsumwa

Rimwe zuva apo Nifai paaivhima, uta hwake hwesimbi hwakatyoka. Mhuri hadzaizokwanisa kuwana zvokudya vasinahwo. Madzikoma aNifai akamushatirirwa iye naIshe.

1 Nifai 16:18–21

Mufananidzo
Nifai akabata uta hwakatyoka naRihai akatsamwa

Vose vakanga vaneta uye vave nenzara. Vamwe vavo vakasuwa uye vakatsutsumwa. Vaitya kuti vaizofa nenzara. Kunyangwe Rihai akatsutsumwa kuna Ishe.

1 Nifai 16:19–22, 35

Mufananidzo
Nifai akabata sando nembezo

Nifai akagadzira uta utsva nemuseve mutsva kubva padanda. Aiva nerutendo kuti Ishe vaizomubatsira kuwana zvokudya.

1 Nifai 16:23

Mufananidzo
Rihai naNifai vakatarisa paRiahona

Nifai akabvunza Rihai kwekuenda kunovhima. Rihai akava neurombo kuti aiva atsutsumwa. Akatendeuka uye akakumbira Ishe rubatsiro. Ishe vakataurira Rihai kuti atarise paRiahona. Mashoko aiva akanyora pairi. Mhuri dzakadzidza kuti Riahona yaingoshanda chete apo pavakanga vaine rutendo muna Ishe uye vachiteerera mirairo.

1 Nifai 16:23–29

Mufananidzo
Mhuri yaRihai yakatarisa Nifai akatakura mhuka yaavhima

Ishe dzimwe nguva vaishandura mashoko paRiahona kuvabatsira munzendo dzavo. Riahona yakabatsira Nifai kuziva kwekunovhima. Akaunza zvokudya zvokuti vadye, uye vose vakafara. Vakatendeuka uye vakatenda Ishe.

1 Nifai 16:28–32