Scripture Stories
Saria


“Saria,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

“Saria,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

1 Nifai 2–3; 5

Saria

Rwendo rwomukadzi werutendo

Mufananidzo
Saria naRihai

Saria aigara muJerusarema nemhuri yake. Murume wake, Rihai, aiva muporofita waMwari. Rimwe zuva, Ishe vakaudza Rihai kuti abude muJerusarema nemhuri yake.

1 Nifai 2:1–3

Mufananidzo
Saria achinamata

Saria akanga aine rutendo muna Ishe. Iye nemhuri yake vakasiya musha wavo. Vakasiya goridhe nesirivha ravo kuti vaende naRihai murenje.

1 Nifai 2:4–5

Mufananidzo
Saria arimurenje

Saria naRihai vakatora zvokudya uye nezvimwe zvinhu zvavaida. Mushure mokunge vafamba mazuva mazhinji, vakadzika matende kuti vagare murenje. Zvino vakavaka aritari uye vakatenda Ishe nokuda kwerubatsiro Rwavo.

1 Nifai 2: 4, 6–7, 15

Mufananidzo
Saria akashushikana ainaRihai varikure

Rimwe zuva Ishe vakaudza vanakomana vaSaria naRihai kuti vaende kuJerusarema uye vanotora mahwendefa endarira. Saria akatya apo vanakomana vake pavasina kudzoka. Akafunga kuti vaiva vafa. Rihai akanyaradza Saria. Vakasarudza kuvimba kuti Ishe vaizodzivirira vanakomana vavo.

1 Nifai 3:1–2; 5:1–6

Mufananidzo
Saria naRihai vachigamuchira vanakomana vavo

Saria akazadzwa nomufaro apo vanakomana vake pavakadzoka kubva kuJerusarema. Zvino akaziva kuti Ishe vakanga vavadzivirira. Akavimba kuti Ishe vaizovapa simba rokuita izvo zvaVakakumbira. Mhuri yose yaSaria yakafara, uye vakatenda Ishe.

1 Nifai 5:7–9