Scripture Stories
Jakobo naSheremu


“Jakobo naSheremu,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Jakobo 7

Jakobo naSheremu

Uchapupu hwemuporofita hwaJesu Kristu

Mufananidzo
Jakobo achidzidzisa vana

Jakobo aiva muporofita akaona Jesu Kristu. Aida kuti vanhu vatende muna Jesu. Jakobo akadzidzisa vanhu kuti vachengete mirairo yaMwari. Akashanda nesimba kudzidzisa vanhu pamusoro paJesu.

2 Nifai 11:2–3; Jakobo 1:1–8, 17–19

Mufananidzo
Sheremu achitaura nevanhu

Rimwe zuva, murume ainzi Sheremu akatanga kudzidzisa vanhu. Asi Sheremu akadzidzia kuti Jesu aiva asiri wechokwadi. Sheremu aigona kutaura, uye vaNifai vazhinji vakatenda zvaaitaura. Nokuda kwake, vanhu vazhinji vakarega kutenda muna Jesu. Sheremu aidawo kuti Jakobo arege kutenda muna Jesu.

Jakobo 7:1–5

Mufananidzo
Sheremu achitaura uye achinongedzera Jakobo

Sheremu akati hapana munhu aikwanisa kuziva zvaizoitika mune ramangwana. Akati izvi zvaireva kuti hapana munhu aikwanisa kuziva kana Jesu aiva ari wechokwadi, nokuti Jesu akanga asati auya panyika. Asi Jakobo akati magwaro matsvene uye navaporofita vose vakadzidzisa pamusoro paJesu. Mwari vakanga varatidza Jakobo kuti Jesu aizouya panyika.

Jakobo 7:6–12

Mufananidzo
Sheremu achitaura uye achinyemwerera

Sheremu akaramba asingatendi. Aida kuti Jakobo amuratidze chiratidzo chekuti Jesu aiva wechokwadi.

Jakobo 7:13

Mufananidzo
Jakobo achisimudza ruoko rwake

Jakobo akati Sheremu aiziva kuti Jesu aizouya uye aiva asingadi chiratidzo. Asi Jakobo akati Mwari vaizoita kuti Sheremu apere simba mumuviri kuratidza kuti Mwari vane simba uye kuti Jesu ndewechokwadi.

Jakobo 7:14

Mufananidzo
Sheremu achiputsikira pamabvi ake nevanhu vari pedyo

Pakarepo, Sheremu akatanga kurwara uye akaputsikira pasi. Mushure mazuva mazhinji, akaziva kuti aizofa. Akaudza vanhu kuti akanga anyengedzwa naSatani. Akati akanga anyepera Mwari. Aiziva nguva yose kuti Jesu aiva wechokwadi. Zvino Sheremu akafa. Vanhu vakaverenga magwaro matsvene uye vakatenda muna Jesu.

Jakobo 7:15–23