Scripture Stories
Koriandoni


“Koriandoni,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 39–42

Koriandoni

Kutendeukira zvakare kuna Ishe

Mufananidzo
Koriandoni achidzidzisa vanhu

Koriandoni aive mumwe wavanakomana vaAruma. Akaenda nababa vake, mukoma wake Shibroni, nevamwe kunodzidzisa boka revanhu vainzi vaZoramu pamusoro pevhangeri raJesu Kristu.

Aruma 31:5–7; 32:1

Mufananidzo
Koriandoni achinwa nevanhu

Apo Koriandoni paaiva navanhu, akaedzwa kuti atadze. Pachinzvimbo chokuteerera Ishe, akasarudza kuita zvinhu zvaipikisana nemirairo yaMwari. Nokuda kwezvaaiva aita, vamwe vaZoramu havana kutenda izvo zvaidzidziswa naAruma nevanakomana vake.

Aruma 39:2–5, 11–12

Mufananidzo
Aruma achitaura naKoriandoni

Aruma akakoka Koriandoni kuti atendeuke uye kuti atendeukire kuna Ishe kuti awane ruregerero. Koriandoni aishushikana pamusoro pezvikamu zvechirongwa chaIshe. Aruma akabatsira mwanakomana wake kunzwisisa chirongwa chemufaro chaIshe, rudzikinuro rwaKristu, kumuka kuvakafa, uye noupenyu mushure mokufa. Aruma akamuyeuchidza kuti Ishe vaiva nebasa rokuti aite.

Aruma 39:7–9, 13–19; 40–42

Mufananidzo
Koriandoni achidzidzisa vanhu

Koriandoni akateerera baba vake. Akanga ane rutendo muna Jesu uye akatendeuka pazvivi zvake. Akadzidza kuti Ishe vaiva neruenzaniso, uyewo vaiva nerudo netsitsi. Koriandoni akadzidzisa zvakare nababa vake nemukoma wake. Vakadzidzisa vanhu vazhinji pamusoro pemufaro norunyararo rwerutendeuko uye rwekurarama vhangeri raJesu Kristu.

Aruma 42:30–31; 43:1–2; 48:17–18