Scripture Stories
Abishi


“Abishi,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 17–19

Abishi

Achibatsira vanhu vake kuti vatende muna Jesu

Mufananidzo
Abishi achifamba nemumusha

Abishi aishandira mambokadzi aiva muRamani. Abishi aiva adzidza pamusoro paJesu Kristu kubva muchiratidzo chababa vake. Kwemakore akawanda, aitenda muna Jesu uye aida kuMutevera. Asi akanga asati audza vamwe vaRamani.

Aruma 19:16–17

Mufananidzo
Abishi akatarisa mambokadzi, mambo, uye Amoni

Rimwe zuva muNifai ainzi Amoni akauya kunyika iyi kuzodzidzisa vaRamani pamusoro paJesu naMwari. Mambokadzi naMambo vakatenda izvo zvakadzidziswa naAmoni. Mambokadzi naMambo vaiziva kuti Jesu aizouya panyika uye oita kuti munhu wose aitenda maAri akwanise kuregererwa.

Aruma 17:12–13; 18:33–36, 39–40; 19:9, 13

Mufananidzo
Abishi anoona vanhu vose vachiwira pasi

Mambokadzi namambo vakanzwa Mweya Mutsvene uye vakafara zvikuru zvokuti vakawira pasi. Amoni nevaranda vakawirawo pasi. Abishi ndiye ega aiva akamira.

Aruma 19:6, 13–16

Mufananidzo
Abishi achitaura kuvanhu vazhinji

Abishi aida kutaurira vanhu pamusoro pechishamiso ichi. Aishuvira kuti vanhu vaizotenda musimba raMwari apo pavaiona zvakanga zvaitika. Saka Abishi akamhanya kuenda kuimba neimba. Akaudza vanhu kuti vaende vanoona izvo Mwari zvavakanga vaitira mambokadzi namambo.

Aruma 19:17

Mufananidzo
vanhu vazhinji vanoona vanhu varipasi

Vanhu vazhinji vakauya kuimba yamambokadzi namambo. Vakashamiswa nokuda kwokuti zvairatidza sokuti mambokadzi, mambo, uye navaranda vavo vose vaiva vafa.

Aruma 19:18

Mufananidzo
vanhu vachikakavadzana

Vanhu vakavhiringidzika. Vakakakavadzana pamusoro pezvakanga zvaitika kuna mambokadzi namambo.

Aruma 19:19–21

Mufananidzo
Abishi akapfugama uye akabata ruoko rwamambokadzi

Apo paakadzoka Abishi, akaona vanhu vachikakavadzana. Akasuwa nokuda kwokuti havana kuona simba raMwari. Zvino akatora ruoko rwamambokadzi, uye mambokadzi akasimuka uye akarumbidza Jesu.

Aruma 19:28–29

Mufananidzo
Mambo namambokadzi vanomira naAbishi naAmoni

Mambokadzi akatora murume wake neruoko, uye akasimuka. Mambo akaudza vanhu pamusoro paJesu. Zvino Amoni nevamwe varanda vakasimuka. Vose vakaudza vanhu kuti Jesu akanga avashandura. Iyezvino vaiva voda kuita zvinhu zvakanaka chete. Vanhu vazhinji vakatenda zvavaitaura.

Aruma 19:29–36

Mufananidzo
Abishi, mambokadzi, namambo vachiona rubhabhatidzo

Seizvo zvakanga zvashuvirwa naAbishi, vanhu vakaona simba raMwari. Vanhu vazhinji vakatenda muna Jesu uye vakabhabhatidzwa. Vakanga vava neMweya waMwari uinavo. Vakamisawo Chechi munyika yavo. Vakaona kuti Jesu anobatsira ani nani anotendeuka uye anotenda maAri.

Aruma 19:17, 31, 35–36