Scripture Stories
Kudzokera kuJerusarema


“Kudzokera kuJerusarema,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Kudzokera kuJerusarema,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

1 Nifai 3

Kudzokera kuJerusarema

Rwendo rwokunotora mahwendefa endarira

Mufananidzo
mhuri ichimisa tende

Mhuri yaRihai naSaria yakafamba murenje. Muchiroto, Ishe vakaudza Rihai pamusoro pemagwaro matsvene akanyorwa pamahwendefa endarira. Murume ainzi Rabani akanga ainawo muJerusarema. Ishe vakati mhuri yaRihai yaifanira kuenda nemahwendefa endarira parwendo rwavo.

1 Nifai 3:1–3, 19–20

Mufananidzo
Rihai achitaura kumhuri

Ishe vakaudza Rihai kuti atume vanakomana vake kudzokera kuJerusarema kuti vanotora mahwendefa endarira. Madzikoma aNifai akatsutsumwa. Vakataurira Rihai kuti chaiva chinhu chakaoma kuita. Vaiva vasingadi kuenda.

1 Nifai 3:4–5

Mufananidzo
Saria, Rihai naNifai vachitaura

Chaiva chiri chinhu chakaomesesa kuita, asi Nifai aida kuteerera. Aiziva kuti Ishe vaizomubatsira namadzikoma ake. Nifai akaudza Rihai kuti aizoenda kuJerusarema uye onotora mahwendefa endarira.

1 Nifai 3:6–8

Mufananidzo
madzikoma nevanun’una komana vari pedyo neJerusarema

Ramani, Remueri, Samu, naNifai vakadzokera kuJerusarema. Pavakasvikako, vakasarudza kuti Ramani aizoenda kuimba yaRabani uye onokumbira mahwendefa endarira.

1 Nifai 3:9–11

Mufananidzo
Rabani naRamani

Apo Ramani paakakumbira mahwendefa endarira, Rabani akamudaidza kuti mbavha. Rabani akati aizouraya Ramani.

1 Nifai 3:11–13

Mufananidzo
Ramani achitiza kubva kuvarindi

Ramani akatiza uye akaudza vanun’una vake zvakanga zvaitika.

1 Nifai 3:14

Mufananidzo
Nifai achitaura nemadzikoma

Madzikoma nevanun’una komana vana vakasuwa. Ramani, Remueri, naSamu vaida kudzokera kuvabereki vavo murenje, asi Nifai akanga aine zano. Akati vaikwanisa kutengeserana naRabani kuti vatore mahwendefa endarira. Vakadzokera kumba kwavo muguta uye vakanotora goridhe nesirivha ravo rose kuti vatengeserane naRabani.

1 Nifai 3:14–16, 22–24

Mufananidzo
madzikoma nevanun’una vachitiza kubva kuvarindi

Pavakaratidza goridhe nesirivha kuna Rabani, akarida rose. Asi aisada zvakadaro kuvapa mahwendefa endarira. Pachinzvimbo chokudaro, akaudza varanda vake kuti vauraye madzikoma nevanun’una ava kuitira kuti agokwanisa kutora goridhe nesirivha ravo.

1 Nifai 3:16, 23–25

Mufananidzo
madzikoma nevanun’una vakavanda kubva kuvarindi

Madzikoma nevanun’una vana ava vakatiza noupenyu hwavo vakasiya goridhe nesirivha ravo. Varanda vaRabani havana kukwanisa kuvabata. Madzikoma nevanun’una vakavanda mubako.

1 Nifai 3:26–27

Mufananidzo
Ramani naRemueri vakatsamwira Nifai naSamu

Pashure pezvinhu zvose izvi zvakaoma, Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai. Vakarova Nifai naSamu neshamhu.

1 Nifai 3:28

Mufananidzo
ngirozi ichitaura naRamani naRemueri

Pakarepo, ngirozi yakauya uye ikabvunza kuti sei vaiva vachirova Nifai. Ngirozi yakati Nifai aiva asarudzwa kuti avatungamirire. Zvino ngirozi yakavaudza kuti vadzokere kuJerusarema. Ishe vaizogadzira nzira yokuti vawane mahwendefa endarira.

1 Nifai 3:29