Scripture Stories
Muti weUpenyu


“Muti weUpenyu,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Muti weUpenyu,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

1 Nifai 8

Muti weUpenyu

Chiroto chakafemerwa chaRihai

Mufananidzo
Rihai achitaura kumhuri

Umwe usiku, Rihai akava nechiroto kubva kuna Ishe. Akaudza mhuri yake pamusoro pezvechiroto chacho.

1 Nifai 8:2–4

Mufananidzo
ngirozi ichitaura naRihai

Muchiroto chake, Rihai akaona murume aiva nenguo chena. Murume uyu akaudza Rihai kuti amutevere.

1 Nifai 8:5–6

Mufananidzo
Rihai ari murima

Rihai akaona kuti aiva munzvimbo yaiva nerima isina chinhu. Akafamba kwamaawa mazhinji. Asi rima harina kupera. Pokupedzisira, Rihai akanamatira rubatsiro.

1 Nifai 8:7–8

Mufananidzo
Rihai akatarisa muti une muchero

Apo Rihai paakapedza kunamata, akaona munda mukuru. Mumunda imomo maiva nemuti waiva nemuchero muchena. Rihai akafunga kuti muchero waizomuita kuti afare, saka akaudya. Mweya wake wakazadzwa nomufaro.

1 Nifai 8:9–12

Mufananidzo
Rihai achidya muchero apo Saria, Samu, naNifai vakamira pedyo nerwizi

Muchero wainaka kupfuura mimwe michero yose. Waitapira uye wainaka. Rihai aida kuugoverana nemhuri yake. Aiziva kuti waizoita kuti vafarewo. Rihai akaona Saria, Samu, naNifai vakamira parwizi. Vairatidza sevarasika. Rihai akavadaidza neinzwi guru. Akavakumbira kuti vauye uye vazodya muchero.

1 Nifai 8:11–15

Mufananidzo
Ramani naRemueri vachifamba kuenda kure

Saria, Samu, naNifai vakauya kumuti uye vakadya muchero. Rihai akatsvaga Ramani naRemueri. Aida kuti vanakirwewo nemuchero. Asi vakaramba kuuya kuzodya muchero.

1 Nifai 8:16–18

Mufananidzo
vanhu vachiuya kumuti

Zvino Rihai akaona gwara raiva riine danda resimbi raienda kumuti iwoyo. Akaona vanhu vazhinji vachifamba mugwara iroro. Pakarepo, rima gobvu rakauya Rima iri rakaita kuti kuona kunetse. Nzira chete yokusvika nayo kumuti yaiva yokubatirira padanda resimbi.

1 Nifai 8:19–24

Mufananidzo
ruoko rwakabatirira padanda

Vamwe vanhu vakasiya gwara uye vakarasika. Vamwe vakabatirira padanda resimbi uye vakafambira mberi.

1 Nifai 8:23–24

Mufananidzo
mukadzi achidya muchero

Pavakasvika pamuti, vakadya muchero.

1 Nifai 8:24

Mufananidzo
muti, rwizi, nechivako chikuru

Rihai akatasira mudenga uye akaona chivako chikuru chaiva chakazara vanhu vazhinji. Vaiseka vanhu avo vaidya muchero. Vamwe avo vakadya muchero vakanzwa kurwadziwa apo vamwe pavakavaseka, naizvozvo vakabva pamuti. Vakadzungaira vachienda kure uye vakarasika.

1 Nifai 8:25–28, 31–32

Mufananidzo
vanhu varipamuti

Muchiroto chake, Rihai akaona vamwe vanhu vakawanda vaiva vakabatirira zvakasimba padanda resimbi. Vaifamba kuenda mberi nhambwe nenhambwe kusvikira vasvika pamuti. Zvino vakanopfugama pamuti uye vakadya muchero. Havana kuteerera vanhu vaiva muchivako. Vakasarudza kugara pamuti.

1 Nifai 8:30, 33

Mufananidzo
Rihai achitaura kumhuri

Apo Rihai paakamuka, akashushikana pamusoro paRamani naRemueri. Havana kudya muchero wemuchiroto chake. Rihai aida Ramani naRemueri. Aiva netariro yekuti vaizogara pedyo naIshe. Akavakoka kuti vachengete mirairo yaMwari.

1 Nifai 8:36–38