Scripture Stories
Zviratidzo zvoKuzvarwa kwaJesu


“Zviratidzo zvoKuzvarwa kwaJesu,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

3 Nephi 1

Zviratidzo zvoKuzvarwa kwaJesu

Rutendo mudzidziso dzemuporofita

Mufananidzo
amai nababa vaine mucheche uye vana vanofamba muguta

Kwakanga kwapfuura makore angangoita mashanu kubvira apo Samueri muporofita paiva adzidzisa pamusoro pezviratidzo zvokuzvarwa kwaJesu Kristu. Vanhu vazhinji vakatenda uye vakamirira zviratidzo izvi. Vamwe vanhu vakati Samueri aiva akanganisa uye nguva yezviratidzo yakanga yatopfuura. Vakanyomba vatendi uye vakati Jesu haaizouya.

Hiramani 14:2–7; 3 Nifai 1:4–6

Mufananidzo
mhuri igere mumba, uye baba vanokutaura

Vatendi vainetsekana, asi vaiva nerutendo. Vakaramba vachimirira zviratidzo izvi. Chimwe chiratidzo chaiva cheusiku apo pakwaisazosviba. Kwaizova kwakachena sezuva kunyangwe mushure mokunge zuva ranyura. Husiku husina rima hwaizova chiratidzo chokuti Jesu Kristu aizozvarwa zuva raitevera mune imwe nyika.

Hiramani 14:2–4; 3 Nifai 1:7–8

Mufananidzo
mhuri irikutya apo painopopoterwa

Vanhu avo vaiva vasingatendi vakaita zano. Vakasarudza zuva uye vakati kana chiratidzo chikasaitika nezuva iroro, vatendi vaizouraiwa.

3 Nifai 1:9

Mufananidzo
Nifai anoona vanhu vachiita zvakaipa kumhuri

Murume ainzi Nifai aiva muporofita panguva iyi. Akasuwa zvikuru kuti vamwe vanhu vaida kuuraya vatendi.

3 Nifai 1:10

Mufananidzo
Nifai anopfugama kuti anamate

Nifai akakotamira pasi uye akanamata kuna Mwari kuitira vatendi avo vaiva vavakuda kufa nokuda kwerutendo rwavo. Akanamata zuva rose.

3 Nifai 1:11–12

Mufananidzo
Nifai anoisa maoko ake pamwechete uye anonamata

Mumhinduro kumunamato wake, Nifai akanzwa inzwi raJesu. Jesu akati chiratidzo chaizoitika husiku ihwohwo uye zvino Iye aizozvarwa zuva raitevera.

3 Nifai 1:12–14

Mufananidzo
vanhu vanotarisa mudenga nekushamisika

Husiku ihwohwo kwakanga kusina rima kunyangwe zvazvozuva rakanyura. Vanhu vakanga vasina kutenda mashoko aSamueri vakashamisika zvokuti vakawira pasi. Vaitya nokuda kwokuti vakanga vasina kutenda. Vanhu vakatenda havana kuuraiwa.

3 Nifai 1:15–19

Mufananidzo
mhuri dzinotarisa mudenga rakajeka nekushamisika

Zuva rakatevera, zuva rakabuda zvakare uye denga rakaramba rakajeka. Vanhu vose vakaziva kuti iri ndiro raiva zuva iro Jesu raaizozvarwa.

3 Nifai 1:19

Mufananidzo
vanhu vanotarisa mudenga uye vanoona nyeredzi itsva

Vanhu vakaona chimwe chiratidzo. Nyeredzi itsva yakaonekwa mudenga. Zviratidzo zvose izvo Samueri zvakataura pamusoro pazvo zvakaitika. Vamwe vanhu vazhinji vakatenda muna Jesu uye vakabhabhatidzwa.

Hiramani 14:2–7; 3 Nifai 1:20–23