Scripture Stories
Rihai naSaria Vanobuda muJerusarema.


“Rihai naSarai vanobuda muJerusarema,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Rihai naSarai vanobuda muJerusarema,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

1 Nifai 1–2

Rihai naSaria Vanobuda muJerusarema.

Chenjedzo yaIshe kumhuri.

Mufananidzo
chiratidzo chaIshe

Rihai naSaria vaigara muJerusarema nevana vavo. Rihai akaona chiratidzo kubva kuna Ishe. Akaona kuti Muponesi aizouya panyika nerimwe zuva. Ishe vakamuratidzawo kuti Jerusarema raizoparadzwa.

1 Nifai 1:4–18

Mufananidzo
Rihai achitaura kuvanhu vakashatirwa

Rihai akaudza vanhu pamusoro pechiratidzo chake. Akavaudza kuti Jesu Kristu aizouya nerimwe zuva kuzoponesa nyika.

1 Nifai 1:18–19

Mufananidzo
chiratidzo chezvivako zvakaparadzwa

Rihai akataurirawo vanhu kuti Jerusarema raizoparadzwa. Akavakoka kuti vatendeuke.

1 Nifai 1:14, 18–19

Mufananidzo
vanhu vakashatirwa

Vanhu vakashatirwa. Ishe vakataura naRihai zvakare muchiroto. Rihai akadzidza kuti iye nemhuri yake vaisazova vakachengeteka muJerusarema. Vaifanira kubuda.

1 Nifai 1:19–20; 2:1–2

Mufananidzo
mhuri ichibuda muguta

Rihai naSaria vakateera Ishe. Vakabuda muguta nemhuri yavo. Rihai naSaria vaiva nevanakomana vana vaidaidzwa kuti Ramani, Remueri, Samu, naNifai. Vaifanira kusiya musha wavo uye nezvinhu zvavo zvakanaka.

1 Nifai 2:3–5

Mufananidzo
mhuri iri parwendo

Mhuri yakafamba murenje pedyo neGungwa Dzvuku. Rihai akatenda Ishe nekuda kwekuropafadza mhuri yake. Akadzidzisa mhuri yake kutevera Ishe uye kuchengeta mirairo Yavo.

1 Nifai 2:5–10

Mufananidzo
mhuri iri mugwenga

Ramani naRemueri vakatsutsumwa. Vaisuwa musha wavo uye nezvinhu zvose zvavakasiya. Vaiva vasinganzwisisi kuti sei Ishe vakavakumbira kuti vabude. Vakanga vasingatendi kuti guta guru rakaita seJerusarema raikwanisa kuparadzwa.

1 Nifai 2:11–13

Mufananidzo
Ramani naRemueri

Ramani naRemueri vaifunga kuti Rihai aifungidzira zviratidzo zvake. Ko dai mhuri yavo ikazorasika murenje zvachose?

1 Nifai 2:11

Mufananidzo
Nifai

Nifai aida kuziva pachezvake kuti izvo zvaitaurwa naRihai ndezvechokwadi. Akanamata uye akakumbira Ishe.

1 Nifai 2:16

Mufananidzo
Nifai

Ishe vakatuma Mweya Mutsvene kuzobatsira Nifai kutenda mashoko ababa vake. Nifai akatenda muna Ishe uye akagoverana zvaakanga adzidza nemadzikoma ake. Samu akateerera zvakataurwa naNifai uye akazvitenda, asi Ramani naRemueri havana kuzviteerera.

1 Nifai 2:16–18