Scripture Stories
Ngarava yoKuyambukisa Gungwa


“Ngarava yoKuyambukisa Gungwa,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Ngarava yoKuyambukisa Gungwa,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

1 Nifai 17–18

Ngarava yoKuyambukisa Gungwa

Kugadzirira kuenda kunyika yechipikirwa

Mufananidzo
mhuri dziri pagungwa

Nyika yeMaguta yaiva nyika izere nemichero nehuchi. Yaiva nzvimbo yakanaka kugara. Mhuri yaRihai naSaria yakagara pedyo negungwa uye vaiva nezvose zvavaida.

1 Nifai 17:5–6

Mufananidzo
Nifai achinamata

Mushure memazuva mazhinji, Ishe vakaudza Nifai kuti aende mugomo kunomanata. Imomo, Ishe vakamuudza kuti avake ngarava yekutora mhuri yake mhiri kwegungwa.

1 Nifai 17:7–8

Mufananidzo
Nifai akatarira pamatombo

Ishe vakaratidza Nifai mavakiro okuita ngarava. Asi Nifai aiva asingazivi kwekunowana simbi dzekugadzirisa zvekushandisa. Ishe vakataridza Nifai kwekunotsvaka simbi.

1 Nifai 17:8–10

Mufananidzo
Nifai achishanda apo Ramani naRemueri vachitaura

Pashure, Nifai akabatidza moto wokugadzirisa zvokushandisa. Ramani naRemueri vakatarisa mununu’na vavo Nifai. Vakanga vasingadi kumubatsira kuvaka ngarava. Vaifunga kuti raiva zano rakashata kuedza kuyambuka gungwa.

1 Nifai 17:11, 16–18

Mufananidzo
Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai

Ramani naRemueri havana kutenda kuti Ishe vakaudza Nifai kuti avake ngarava. Nifai akavabvunza kuti sei vakanga vasati vava nerutendo muna Ishe. Akayeuchidza madzikoma ake kuti vakanga vaona ngirozi uye vaiziva simba raIshe. Ramani naRemueri vakashatirwa zvekuti vaida kuuraya Nifai.

1 Nifai 17:18–19, 45–48

Mufananidzo
Ramani naRemueri varipasi

Asi Nifai akazadzwa nesimba raMwari. Nifai akayambira Ramani naRemueri kuti vasamubata. Vakatya uye havana kushinga kubata Nifai kwemazuva mazhinji. Zvino Ishe vakaudza Nifai kuti atambanudzire ruoko rwake kumadzikoma ake. Apo Nifai paakatambanudzira ruoko rwake kwavari, vakanzwa kuzungunutswa nesimba raIshe.

1 Nifai 17:48, 52–55

Mufananidzo
munhu wose achishanda pangarava

Ramani naRemueri vakanamata Ishe uye vakabatsira kuvaka ngarava. Nifai akanamata kuna Ishe nguva zhinji kuti awane rubatsiro. Ngarava iyo yakavakwa nemhuri yaNifai yaiva yakanaka. Kwapera mazuva mazhinji, ngarava yakapera, uye vakaona kuti yaiva yakanaka. Mhuri yaNifai yakaziva kuti Ishe vaiva vavabatsira.

1 Nifai 18:1–4