Scripture Stories
Murandakadzi wechiNifai


“Murandakadzi wechiNifai,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 50

Murandakadzi wechiNifai

Achibatsira kudzivirira vanhu vake

Mufananidzo
Moriandoni anobata chivheneko uye anotaura kumhomho, nemurandakadzi ari pedyo

Murandakadzi aishandira mutungamiri wavaNifai ainzi Moriandoni. Moriandoni aikonzera matambudziko pakati pavanhu. Akarwisa boka ravaNifai uye akaedza kutora nyika yavo. Zvino akaronga kuenda kumaodzanyemba nevanhu vake kunotora nyika ikoko.

Aruma 50:25–30

Mufananidzo
murandakadzi anotiza kubva kuna Moriandoni nehusiku

Rimwe zuva, Moriandoni akashatirirwa murandakadzi. Akamubata zvakaipa zvikuru uye akamukuvadza. Murandakadzi akapukunyuka uye akamhanyira kumusasa waKaputeni Moronai. Akaudza Moronai pamusoro pezvinhu zvakaipa zvaiva zvaiitwa naMoriandoni. Moronai akatenda zvaakamuudza.

Aruma 50:30–31

Mufananidzo
Murandakadzi anonongedzera pamepu uye anotaura kuna Kaputeni Moronai

Murandakadzi akatiwo Moriandoni aida kuenda uye onotora nyika yaiva kumaodzanyemba. Moronai akanetsekana. VaNifai vaizokwanisa kuva munjodzi kana Moriandoni aitora nyika yaiva kumaodzanyemba. Zvaikwanisa kukonzera kuti vanhu varasikirwe nerusununguko rwavo.

Aruma 50:31–32

Mufananidzo
murandakadzi anotarisa kuna Moronai nemauto

Moronai akatuma mauto kunomisa Moriandoni. Vanhu vaMoriandoni vakarwisa mauto asi vakakundwa. Vakavimbisa kuva nerunyararo uye vakadzokera kunyika yavo. Nokuda kwekuti murandakadzi akayambira Moronai, maguta evaNifai akaramba akachengeteka.

Aruma 50:33, 35–36