Scripture Stories
Mambo Benjamini


“Mambo Benjamini,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Mosaya 1–5

Mambo Benjamini

Kushandira vanhu naMwari

Mufananidzo
Benjamini achinyora pamahwendefa egoridhe

Mambo Benjamini aiva muporofita waMwari uyo aitonga nyika yaZarahemura. Akashanda nesimba kushandira vanhu vake uye nokuvadzidzisa pamusoro paMwari. Nerubatsiro rwaibva kuna vamwe vaporofita vaMwari, Benjamini akaita Zarahemura nzvimbo ine runyararo uye yakachengeteka kugara.

Mazwi aMormoni 1:17–18; Mosaya 1:1–7

Mufananidzo
Benjamini achitaura kuvanhu

Benjamini akakwegura Akakumbira mwanakomana wake Mosaya kuti aunganidze vanhu pamwechete. Benjamini aida kuvaudza kuti Mosaya aizova mambo wavo mutsva.

Mosaya 1:9–10

Mufananidzo
mhuri iri mutende

Vanhu vazhinji vakauya kubva kumativi ose enyika. Vakadzika matende avo pedyo netemberi kuti vanzwe Benjamini.

Mosaya 2:1, 5–6

Mufananidzo
vanhu vari pedyo neshongwe

Benjamini akataura kubva pashongwe kuitira kuti vanhu vazhinji vakwanise kumunzwa. Benjamini akati Mwari vakamubatsira kuvatungamirira. Samambo, akavadzidzisa kuteerera mirairo yaMwari. Haana kutora mari yavo kana kuvaita kuti vamushandire. Pachinzvimbo chokudaro, akashanda kuitira kushandira vanhu vake uye Mwari.

Mosaya 2:7–16

Mufananidzo
vanhu vachibatsirana

Benjamini akaudza vanhu kuti apo pavanoshandirana, vaiva vachishandirawo Mwari. Zvino akavaudza kuti zvinhu zvose zvavaiva nazvo zvakanga zvabva kuna Mwari. Mukudzosera, Mwari vaida kuti vateerere kumirariro Yavo. Apo pavakateerera, Mwari vakavapa mamwe maropafadzo mazhinji.

Mosaya 2:17–24, 41

Mufananidzo
Benjamini achitaura ainaMosaya ari pedyo naye

Benjamini akavaudza kuti aiva asisakwanisi kuva mambo kana mudzidzisi wavo zvakare. Mwanakomana wake Mosaya aizova mambo wavo mutsva.

Mosaya 2:29–31

Mufananidzo
Jesu Kristu achiporesa munhu.

Zvino Benjamini akaudza vanhu kuti ngirozi yakamushanyira. Ngirozi yakati Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, aizouya panyika. Aizoita zvishamiso uye nokuporesa vanhu. Aizotambura marwadzo uye aizofa kuti aponese vanhu vose. Benjamini akadzidzisa kuti Jesu aizoregerera munhu wose uyo akanga aine rutendo maAri uye aitendeuka.

Mosaya 3:1–12, 17–18

Mufananidzo
vanhu vakafara

Vanhu vakatenda izvo Benjamini zvaaiva avadzidzisa pamusoro paJesu. Vakaziva kuti vaifanira kutendeuka. Vanhu vose vakanamata uye vakakumbira Mwari kuti vavaregerere. Mushure mokunge vanamata, Mweya waMwari wakava navo. Vakanzwa kufara uye vakaziva kuti Mwari vavaregerera nokuda kwerutendo rwavo muna Jesu.

Mosaya 4:1–3, 6–8

Mufananidzo
vanhu vainaBenjamini naMosaya

Vanhu vakanzwa rusiyano uye hutsva mavari nokuti vakanga vaine rutendo muna Jesu. Zvino vakanga voda kuita zvinhu zvakanaka nguva dzose. Vakaita chivimbiso chekutevera mirairo yaMwari kweupenyu hwavo hwose. Nokuda kwokuti vakatenda muna Jesu uye vakaita chivimbiso ichi, vakadaidzwa kuti vanhu vaJesu.

Mosaya 5:2–9, 15; 6:1–2