Scripture Stories
Amoni


“Amoni,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 17–18

Amoni

Muranda anozvininipisa

Mufananidzo
Amoni nemadzikoma ake vanowoneka

Amoni nemadzikoma ake vaida kudzidzisa vaRamani pamusoro paIshe. Vakaenda kunyika yaigara vaRamani. Vari munzira, vakatsanya uye vakanamata vachikumbira rubatsiro kuna Ishe. Ishe vakavanyaradza. Vakavaudza kuti vave nemwoyo murefu uye vave mienzaniso yakanaka. Mumwe nemumwe wavo akaenda kunzvimbo yakasiyana kunodzidzisa.

Mosaya 28:1–2; Aruma 17:6–13

Mufananidzo
Amoni anopfugama pamberi pamambo namambokadzi

Amoni akaenda kunzvimbo yainzi Ishmaeri. Vanhu veko vakamusunga vakaenda naye kuna Mambo Ramoni. Amoni akataurira Ramoni kuti aida kugara pakati pavaRamani. Ramoni akafarira Amoni uye akamusunungura. Aida kuti Amoni aroore mumwe wevanasikana vake, asi pane kudaro Amoni akasarudza kuva muranda waRamoni.

Aruma 17:20–25

Mufananidzo
Amoni anotarisa makwai napamusoro pebendekete rake

Ramoni akaudza Amoni kuti achengete zvipfuyo zvake. Rimwe zuva, Amoni nevamwe varanda vakaenda nezvipfuyo kunonwa mvura. Apo zvipfuyo pazvainwa mvura, makororo akauya akazvivhundutsira kure. Vamwe varanda vakatya kuti vaizorangwa nokuda kwekuti vaiva varasa zvipfuyo zvaRamonai

Aruma 17:25–28; Aruma 18:7

Mufananidzo
Amoni

Amoni akaziva kuti uyu ndiwo waiva mukana wake kuti aratidze simba raIshe. Amoni akataurira vamwe varanda kuti vasanetsekana uye akavabatsira kuwana zvipfuyo zvakange zvarasika.

Aruma 17:29–32

Mufananidzo
Amoni anobata chipfuramabwe chedehwe uye anonongedzera kumakororo

Makororo akadzoka kuzovhundutsira zvipfuyo zvakare. Asi panguva iyi, Amoni akataurira vamwe varanda kuti varambe varipo uye varinde zvipfuyo kuti zvisatiza.

Aruma 17:33

Mufananidzo
Amoni anomira pamberi pemakororo

Amoni akaenda kunomisa makororo kubva mukuvhundutsira makwai. Makororo akanga asingatyi Amoni. Vaifunga kuti vaiva vakasimba kumupfuura. Asi vaiva vasingazivi kuti Ishe vaiva achibatsira Amoni.

Aruma 17:34–35

Mufananidzo
Amoni anopfura imbwe kumakororo

Amoni akapotsera matombo kumakororo nechipfuramabwe chake. Vamwe vavo vakafa. Izvi zvakaita kuti mamwe makororo ashatirwe, uye aida kuuraya Amoni. Vakashamiswa nokuda kwokuti vaiva vasingakwanisi kutema Amoni nematombo avo pachavo. Vaiva vasingatarisiri kuti iye aiva nesimba guru kudaro.

Aruma 17:36

Mufananidzo
Amoni anotora bakatwa rake apo makororo paanosimudza tsimbo kuti amurove

Makororo akaedza kurova Amoni netsvimbo. Asi pose pavaiedza, Amoni aidimbura maoko avo nebakatwa kuitira kuti vasakwanisa kurwa. Nechinguvana, vakatya kuramba vachirwa uye vakatiza.

Aruma 17:37–39

Mufananidzo
Varanda vaviri vanotsanangura kuna Mambo Ramoni zvaiva zvaitika

Varanda vakaudza Ramoni maponesero aiva aita Amoni zvipfuyo. Ramoni akashamiswa. Akafunga kuti Amoni aiva Mweya Mukuru, uyo anesimba guru uye anoziva zvinhu zvose.

Aruma 18:1–5, 18

Mufananidzo
Mambo Ramoni vanoratidza kunetsekana

Ramoni aida kutaura naAmoni, asi iyewo ainetsekana.

Aruma 18:8–11

Mufananidzo
Amoni anopfugama pamberi paMambo Ramoni

Amoni akaenda kunoona Ramoni, asi Ramoni aiva asingazivizvokutaura. Ishe vakabatsira Amoni kuziva pfungwa dzaRamoni. Amoni akati akanga asiri Mweya Mukuru. Akataurira Ramoni kuti Mweya Mukuru ndiMwari. Ramoni akada kuziva zvizhinji pamusoro paMwari.

Aruma 18:12–28

Mufananidzo
Amoni achitaura kuna Mambo Ramoni

Amoni akati Mwari akasika nyika uye nemunhu wose ari mairi. Zvino Amoni akaudza Ramoni kuti Mwari vane chirongwa cheruponeso. Sechikamu chechirongwa ichocho, Jesu Kristu aizouya. Ramoni akatenda zvaitaurwa naAmoni. Ramoni akanamata akakumbira Mwari kuti vamuitire nyasha nevanhu vake.

Aruma 18:24–36, 39–42