Scripture Stories
Aruma naKoriho


“Aruma naKoriho,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 30

Aruma naKoriho

Rutendo rwokuti Mwari ndevechokwadi

Mufananidzo
Koriho anosekerera uye anotaura kune mumwe munhu apo pavanofamba pamwechete munzira izere nevanhu.

Mumwe murume ainzi Koriho akauya munyika yeZarahemura. Akaudza vanhu kuti Mwari naJesu Kristu vaiva vasiri vechokwadi.

Aruma 30:6, 12, 37–38, 45

Mufananidzo
Koriho anosekerera uye anonongedza kumwana akasuruvara

Koroho akati vanhu vaikwanisa chete kuziva chimwe chinhu kana vakachiona. Ainyomba vanhu vaitenda muna Jesu.

Aruma 30:13–16

Mufananidzo
Koriho anosekerera uye anotaura nemhomho yavanhu

Koriho akati vanhu vaiva vasingafaniri kuva vaive vasina basa nemirairo yaMwari. Akati vanhu vaikwanisa kuita chipi zvacho chavaida. Vanhu vazhinji vakabvuma zvaaitaura. Vakasarudza kuita zvinhu zvakaipa.

Aruma 30:17–18

Mufananidzo
Koriho akasungwa uye achiburitswa kubva mumusha nemauto

Koriho akaedza kudzidzisa vaAndi-Nifai-Rihai, asi havana kumutenda. Vakamusunga vakamutandanisira kure. Akaenda kunyika yaGideoni. Vanhu veikoko vakamusungawo. Vakamuendesa kuna Aruma.

Aruma 30:19–29

Mufananidzo
Koriho anosekerera uye anonongedzera kuna Aruma

Akaudza Aruma kuti Mwari vaiva vasiri vechokwadi. Akati Aruma nevamwe vapirisita vainyepera vanhu. Koriho akati vaiita kuti vanhu vatevere tsika dzakapusa. Akatiwo vakanga vachitora mari kubva kuvanhu. Aruma aiziva kuti ichi chakanga chisiri chokwadi. Aitenda muna Mwari naJesu.

Aruma 30:30–40

Mufananidzo
Aruma achitaura kumhomho yevanhu apo Koriho akagara kumashure akapeta maoko.

Aruma akati vaporofita nezvinhu zvose zviri panyika zvinobatsira vanhu kuziva kuti Mwari ndevechokwadi. Koriho aida humwe umboo. Aruma akati aizopa Koriho umboo. Akati Mwari aizoita kuti Koriho asakwanise kutaura. Apo Aruma paakangotaura izvi, Koriho akatadza kutaura.

Aruma 30:41–50

Mufananidzo
Koriho anotaridza kusuwa uye anonongedzera kuchidimbu chepepa chine zvakanyorwa pachiri apo mhomho yavanhu painofamba kubva paari.

Koriho akanyora kuti aiziva kuti Mwari ndevechokwadi. Akanga agara achizviziva. Akanyora kuti dhiabhorosi aiva amunyengedza. Dhiabhorosi akaudza Koriho kuti adzidzise manyepo pamusoro paMwari naJesu. Apo vanhu pavakaziva chokwadi pamusoro paKoriho, havana kutenda dzidziso dzake. Vakatendeuka uye vakatanga kutevera Jesu zvakare.

Aruma 30:52–53, 57–58