Scripture Stories
Teangumu


“Teangumu,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 51–52

Teangumu

Achidzivirira vanhu vake

Mufananidzo
Teangumu achitaura naKaputeni Moronai pamusasa

Teangumu aiva mutungamiri mumauto aKaputeni Moronai. Aiedza kuchengeta maguta evaNifai akadzivirirwa kubva kuvaRamani.

Aruma 50:35; 52:19

Mufananidzo
Amarikia uye masoja echiRamani vaine zvombo

Amarikia aive muNifai akazova mambo wavaRamani. Aida kutonga pamusoro pevaNifaiwo. Akarwisa vaNifai uye akatora maguta akawanda.

Aruma 47:1, 35; 48:1–4; 51:23–28

Mufananidzo
Mauto echiNifai achifora

Mauto aTeangumu akaenda kunomisa mauto aAmarikia kubva mukurwisa maguta evaNifai.

Aruma 51:28–30

Mufananidzo
mauto anotarisana pakuvira kwezuva

Mauto akarwisana kwezuva rose. Teangumu nemauto ake vakarwa nesimba nehunyanzvi kupfuura mauto aAmarikia. Asi hakuna mauto akakunda. Apo pakwaiva kwasviba, ose mauto akamira kurwa kuitira kuti akwanise kuzorora.

Aruma 51:31—32

Mufananidzo
Teangumu anogara pamberi pemoto

Asi Teangumu haana kuzorora. Iye nemuranda wake vakaenda kumusasa waAmarikia muchivande.

Aruma 51:33

Mufananidzo
Teangumu anomira pasi pechiedza chemwedzi patende raAmarikia

Teangumu akaverevedza kupinda mutende yaAmarikia. Akauraya Amarikia asati amuka. Zvino Teangumu akadzokera kumusasa wake uye akaudza masoja ake kuti vagadzirire kurwa.

Aruma 51:33–36

Mufananidzo
VaRamani vanomuka uye vanoratidza kutya

Apo vaRamani pavakamuka, vakaona kuti Amarikia aiva afa. Vakaonawo kuti Teangumu nemauto ake vakanga vagadzirira kuvarwisa.

Aruma 52:1

Mufananidzo
VaRamani vakatiza kubva kumauto aTeangumu

VaRamani vakatya uye vakatiza. Zano raTeangumu rakanga raita kuti vaRamani vatye zvikuru kurwisa mamwe maguta evaNifai. Zvino Teangumu akanga ava nenguva yekuita kuit maguta evaNifai ave akanyanya kudzivirira. Akashanda nesimba kudzivirira vanhu vake. Akakwanisa kuchengeta maguta evaNifai mazhinji ave akadzivirirwa.

Aruma 52:2–10