Scripture Stories
Dutu paGungwa


“Dutu paGungwa,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Dutu paGungwa,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

1 Nifai 18

Dutu paGungwa

Kuwana rutendo muna Ishe

Mufananidzo
mhuri dzichiunza zvokudya mungarava

Ishe vakaudza Rihai kuti nguva yakanga yakwana yekuti vapinde mungarava. Mhuri dzakarongedza zvokudya zvakawanda zvokuzodya apo pavaifamba. Zvino vose vakapinda mungarava uye vakafamba vakananga kunyika yechipikirwa.

1 Nifai 18:5–8

Mufananidzo
vanhu vachinwa vari mungarava

Mushure memazuva mazhinji vari mugugwa, vamwe vavanhu ava vakatanga kushaya ruremekedzo uye vachitaura nenzira yakaipa. Vakakanganwa kuti Ishe vakanga vavabatsira.

1 Nifai 18:9

Mufananidzo
Remueri, Nifai, naRamani vari mungarava nedutu richiuya

Nifai akashushikana kuti vangangotsamwisa Ishe. Pasina rubatsiro rwaIshe, ngarava yavo yaizova isina kuchengetedzeka. Nifai akakumbira madzikoma ake kuti varegere zvavaiita.

1 Nifai 18:10

Mufananidzo
Ramani naRemueri vachisunga Nifai

Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai. Vakamusunga uye vakamuitira utsinye. Havana kuteerera Ishe, uye Riahona yakamira kushanda. Pakarepo dutu guru rakauya. Mushure memazuva matatu vari mudutu, vose vakatya kuti vaizonyura.

1 Nifai 18:10–13

Mufananidzo
mudzimai achiteterera Ramani naRemueri

Mhuri yaNifai yakateterera Ramani naRemueri kuti vasunungure Nifai. Asi Ramani naRemueri vakarambidza kuti ani zvake asunungure Nifai. Saria naRihai vakasuwa uye vakatanga kurwara zvikuru. Dutu harina kumira.

1 Nifai 18:17–19

Mufananidzo
Nifai aine Riahona

Pazuva rechina, Ramani naRemueri vakaziva kuti ngarava yakanga yava pedyo nokunyura. Vakatendeuka uye vakasunungura Nifai. Apo Nifai paakanamata, dutu rakamira. Riahona yakashanda zvakare. Nifai akaishandisa kufambisa ngarava nokudivi kwaro.

1 Nifai 18:14–15, 20–22

Mufananidzo
mhuri dzichibuda mungarava uye Rihai achinamata

Mushure memazuva mazhinji, mhuri dzakasvika kunyika yechipikirwa.

1 Nifai 18:23