Scripture Stories
Mambo Noa naMambo Rimuhai


“Mambo Noa naMambo Rimuhai,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Mosaya 19–22

Mambo Noa naMambo Rimuhai

Kupukunyuka kubva kuvaRamani

Mufananidzo
Gideoni anobata munondo uye anomira pedyo neshongwe, uye Noa ari mushongwe uye anonongedzera kumauto evaRamani

Mambo Noa aitonga boka revaNifai. Akaita zvinhu zvakaipa zvakawanda, uye vamwe vanhu vakanga vakamutsamwira. Murume ainzi Gideoni akarwa naNoa nemunondo. Noa akatiza uye akakwira mushongwe. Ari mushongwe, akaona mauto evaRamani achiuya. Noa akanyepedzera kuti aitya vanhu vake, saka Gideoni akamusiya ari mupenyu.

Mosaya 11:1–2; 19:2–8

Mufananidzo
Noa anotiza, uye vanhu vaNoa vanotya.

Noa navanhu vake vanotiza. Asi vaRamani vakavatandanisa uye vakatanga kuvarwisa. Noa akataurira varume kuti vasiye mhuri dzavo uye vaende naye.

Mosaya 19:9–11

Mufananidzo
Rimuhai, Gideoni, navamwe vaNifai vanotarisana nemauto evaRamani

Vamwe varume vakaenda naNoa. Asi vazhinji vevarume ava vakasarudza kusara nemhuri dzavo. Mwanakomana waNoa, Rimuhai akasarudzawo kusara.

Mosaya 19:12, 16–17

Mufananidzo
madzimai anomira pamberi paRimuhai nevamwe vaNifai.

Vanasikana vazhinji vakamira pamberi pemauto uye vakakumbira vaRamani kuti vasakuvadze mhuri dzavo. VaRamani vakateerera vanasikana ava uye vakasiya vaNifai vari vapenyu. Panzvimbo pazvo, vaRamani vakatapa vaNifai.

Mosaya 19:13–15

Mufananidzo
Noa nevarume vake vanotsamwirana

Varume avo vakanga vatiza vaida kudzokera kumhuri dzavo. Noa akaedza kuvamisa, saka varume ava vakamuuraya. Zvino vakazodzokera kumhuri dzavo.

Mosaya 19:18–22

Mufananidzo
Varume vechiNifai vanochingamidza mhuri dzavo uye Gideoni

Varume vakafara zvikuru kuti mhuri dzavo dzaiva dzakachengetedzeka. Vakataurira Gideoni zvakanga zvaitika kuna Noa.

Mosaya 19:22–24

Mufananidzo
Rimuhai anopa vaRamani zvokudya nezvipfuyo

Vanhu vakasarudza Rimuhai kuti ave mambo wavo mutsva. Rimuhai akavimbisa mambo wevaRamani kuti vaizobhadhara vaRamani hafu yezvose zvavaiva nazvo. Mukudzorera, mambo wevaRamani akavimbisa kuti aisazokuvadza vanhu vaRimuhai.

Mosaya 19:25–27

Mufananidzo
Rimuhai nemudzimai wake vanoratidzika kusuwa, uye vaNifai vakawanda vanokuvadzwa

Vakagara murunyararo kwemakore akati wandei. Zvino vaRamani vakatanga kubata vanhu vaRimuhai zvakaipa. Vanhu vaida kuti vasununguke zvakare. Vakaedza kurwisa vaRamani, asi vakakundwa. Vanhu vakanamatira rubatsiro kuna Mwari.

Mosaya 19:29; 21:1–15

Mufananidzo
Rimuhai naAmoni vanotaura

Rimwe zuva, muNifai ainzi Amoni akashanyira Rimuhai navanhu vake. Amoni aibva kunyika yainzi Zarahemura. Rimuhai akafara kuona Amoni.

Mosaya 21:22–24

Mufananidzo
Gideoni, Rimuhai, Amoni, navamwe vaNifai vanotaura

Amoni aikwanisa kutungamira vanhu vaRimuhai kuZarahemura, asi vaifanira kutanga vapukunyuka kubva kuvaRamani. Gideoni akanga anezano.

Mosaya 21:36; 22:1–9, 11

Mufananidzo
Varindi vechiRamani vanorara, uye vaNifai vanobuda muguta

Munguva yeusiku, Gideoni akapa varindi vechiRamani waini yakawanda kuti vakotsire. Apo varindi pavainge vakarara, Rimuhai navanhu vake vose vakatiza kubva muguta.

Mosaya 22:7, 10–12

Mufananidzo
Mambo Mosaya navanhu vake vanotambira Rimuhai navanhu vake

Vakaenda kuZarahemura uye vakabatana nevaNifai ikoko. Rimuhai navanhu vake vakadzidza zvimwe zvizhinji pamusoro paMwari. Vakaita chibvumirano, kana kuti chivimbiso chakakosha, kushandira Mwari uye nokuchengetedza mirairo Yavo. Vakabhabhatidzwa uye vakava nhengo dzeChechi yaMwari. Vakarangarira kuti Mwari vakavabatsira kuti vatize kubva kuvaRamani.

Mosaya 21:32–35; 22:13–14; 25:16–18