Scripture Stories
Mukoma neMunun’una Nifai naRihai


“Mukoma neMunun’una Nifai naRihai,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Hiramani 3–6

Mukoma neMunun’una Nifai naRihai

Kunzwa inzwi kubva kudenga

Mufananidzo
mukoma nemunun’una Nifai naRihai vanodzidzisa vanhu, uye mauto evaRamani ari pedyo

Nifai naRihai vaiva mukoma nemunun’una avo vaida kuti munhu wose azive pamusoro pevhangeri raJesu Kristu. VaNifai navaRamani vaiva muhondo, asi mukoma nemunun’una ava vaiva vachiri kudzidzisa vanhu kubva kumapoka maviri ose. Rimwe zuva apo pavaifamba kuenda kunodzidzisa vanhu, mauto echiRamani akavaisa mutirongo.

Hiramani 3:20–21, 37; 4:4–5, 14; 5:4–21

Mufananidzo
Mauto echiRamani anofamba akananga kutirongo kwaiva naNifai naRihai

Mushure memazuva mazhinji, mauto akauya kutirongo kuzouraya Nifai naRihai.

Hiramani 5:22

Mufananidzo
denderedzwa remoto nechiedza zvinodzivirira Nifai naRihai, masoja anowira pasi, uye gore dema rinoonekwa

Pasati pambova angakwanisa kukuvadza Nifai naRihai, denderedzwa remoto rakaonekwa rakavatenderedza. Moto hauna kuvapisa. Panokudaro, Mwari vakavachengetedza. Zvino pasi rakadengendeka. Zvainzwika sokunge madziro etirongo aiva oda kuwira pasi. Muchinguvana, gore dema rakafukidza munhu wose aiva mutirongo. Vanhu vakatya zvikuru.

Hiramani 5:23–28

Mufananidzo
vanhu vakamira mugore dema vanotarisa kumurazvu wechiedza

Inzwi rakabva pamusoro pegore dema. Raiva rakanyarara, sezevezeve, asi vanhu vose vakarinzwa mumwoyo yavo. Raiva inzwi raMwari. Mwari akavaudza kuti vatendeuke.

Hiramani 5:29–30, 46–47

Mufananidzo
varume namadzimai vanotarisa mudenga kuburikidza nemumakore matema akatsemuka

Pasi uye madziro etirongo zvakadengendeka. Inzwi rakauya zvakare uye rikaudza vanhu kuti vatendeuke. Vanu havana kukwanisa kusuduruka nokuda kwegore uye nokutya kwavo.

Hiramani 5:31–34

Mufananidzo
Aminadabi anonongedzera kuna Nifai naRihai, avo vaipenya uye vakatarisa mudenga

Mumwe murume aiva mumhomho ainzi Aminadabi. Akambenge ari nhengo yeChechi yaMwari. Akaona kuti zviso zvaNifai naRihai zvakatanga kupenya zvikuru. Vairatidzika sengirozi. Zvaitaridzika kuti vaitaura nemumwe munhu kudenga. Aminadabi akaudza munhu wose kuti atarise kuna Nifai naRihai.

Hiramani 5:35–39

Mufananidzo
varume namadzimai vanotarisa mudenga kuburikidza nemumakore matema uye vanonamata

Vanhu vakabvunza Aminadabi izvo zvavangaita kuti vabvise gore dema iri. Aminadabi akagovera zvaaiziva pamusoro paMwari naJesu. Akataurira vanhu kuti vatendeuke, vave nerutendo muna Jesu, uye vanamate kuna Mwari. Vanhu vakateerera kuna Aminadabi. Vakanamata kusvikira rima raenda.

Hiramani 5:40–42

Mufananidzo
vanhu vanonamata vakatenderedzwa nechiedza nemoto

Moto wakabva kuna Mwari wakapoteredza vanhu vose uye hauna kuvapisa. Vanhu vakazadzwa neMweya Mutsvene uye vakafara zvikuru. Vakataura zvinhu zvinoshamisa. Inzwi rakauya zvakare. Rakavataurira kuti vave nerunyararo nokuda kwerutendo rwavo muna Jesu. Ngirozi dzakauya dzikashanyira vanhu.

Hiramani 5:43–49

Mufananidzo
Nifai naRihai vanobva mutirongo, uye vanhu vanovatarisa

Nifai, Rihai, uye vanhu vose vanobva patirongo. Vakaudza vanhu vazhinji nemunyika yose izvo zvavakanga vaona nekunzwa zuva iroro. Vazhinji vevaRamani vakatenda uye vakasarudza kutevera Jesu. Vakaregera kurwa muhondo. Panokudaro, vakabatsira vanhu kuti vave nerutendo muna Jesu uye kuti vatendeuke.

Hiramani 5:50–52; 6:1–6