Scripture Stories
Aruma naVanhu Vake


“Aruma navanhu vake,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Mosaya 23–25

Aruma naVanhu Vake

Simba kubva kuna Mwari munguva dzakaoma

Mufananidzo
Aruma navamwe vanhu vanotarisa padzimba dzavo

Aruma navanhu vake vaigara munyika yakanaka. Vakadyara mbeu uye vakavaka dzimba. Aruma aiva mupirisita waMwari. Akadzidzisa vanhu vake kuti vadanane. Vanhu vakateerera kuna Aruma uye vakachengeta mirairo yaMwari. Mhuri dzavo dzakakura, uye vakavaka guta.

Mosaya 23:4–5, 15–20

Mufananidzo
Aruma achitaura kuvaRamani

Rimwe zuva, mauto evaRamani akauya. Vaiva varasika. VaRamani vakavimbisa kusiya vanhu vaAruma vari voga kana Aruma akavabatsira kuwana nzira yekudzokera kumusha. Aruma akaratidza vaRamani nzira yekudzokera kunyika yavo.

Mosaya 23:25, 30, 36–37

Mufananidzo
Amuroni navarindi vakatarisa Aruma navanhu vake

VaRamani havana kuchengeta chivimbiso chavo. Panekudaro, vakatora nyika uye vakaita kuti varindi varinde vanhu vaAruma. Uyewo vakaita kuti muNifai ainzi Amuroni ave mambo pamusoro pavanhu vaAruma. Amuroni aiva mutungamiri wevapirisita venhema. Iye nevapirisita vake vakanga vauraya muporofita waMwari uye vaita zvinhu zvakaipa zvizhinji.

Mosaya 17:12–13; 23:31–32, 37–39; 24:9

Mufananidzo
Amuroni akashatirwa

Amuroni akashatirirwa Aruma. Akaita kuti vanhu vaAruma vashande zvakasimba zvikuru uye aiva neutsinye kwavari. Zvaiva zvakaomera vanhu vaAruma.

Mosaya 24:8–9

Mufananidzo
Aruma anonamata, uye Amuroni akashatirwa ari kumashure

Vakanamatira rubatsiro kuna Mwari. Amuroni akavaudza kuti varegere kunamata. Akati ani nani zvake anonamata aizouraiwa.

Mosaya 24:10–11

Mufananidzo
Aruma nemudzimai vanobatsira murume akwegura kuti asimuke

Aruma nevanhu vake vakaregera kunamata zvinonzwika. Panokudaro, vakanamata mumwoyo yavo. Ishe vakanzwa minamato yavo. Vakavapa simba uye vakavimbisa kuvabatsira kutiza. Mwari vakaita kuti basa ravo rakaoma rive rakareruka. Vanhu vakava nemwoyo murefu uye vakafara apo pavaiteerera kuna Mwari. Vakaziva kuti Vaivabatsira.

Mosaya 24:12–15

Mufananidzo
Aruma anotungamira vanhu vake kuenda manheru

Vanhu vaAruma vaivimba naMwari uye vakanga vaine rutendo rukuru maVari. Rimwe zuva, Mwari vakavaudza kuti yakanga yava nguva yokuti vaende. Husiku ihwohwo, Aruma navanhu vake vakagadzirira. Vakaunganidza zvipfuwo zvavo zvose uye nezvokudya. Pamangwanani, Mwari vakaisa vaRamani muhope dzakadzika. Uye Aruma navanhu vake vakatiza uye vakafamba kwezuva rose.

Mosaya 24:16–20

Mufananidzo
Aruma navanhu vake vanotarisa Zarahemura

Husiku ihwohwo, varume, vakadzi, navana vose vakatenda Mwari. Vakaziva kuti Mwari chete ndivo vakanga vakwanisa kuvabatsira. Vakaramba vachifamba kwemazuva mazhinji uye vakasvika kunyika yeZarahemura. VaNifai akavagamuchira, uye Aruma akadzidzisa munhu wose pamusoro pokuva norutendo muna Jesu Kristu. Vanhu vazhinji vakatenda uye vakabhabhatidzwa.

Mosaya 24:20–25; 25:14–24