Zvibatsiro Zvekudzidza
Efraimi


Efraimi

MuTestamente yaKare, mwanakomana wechipiri waJosefa naAsenati (Gen. 41:50–52; 46:20). Zvisingaenderane netsika yemagariro avo, Efraimi akatambira maropafadzo ehudangwe pane kuti apihwe Manase, akange ari iye mwanakomana mukuru (Gen. 48:17–20). Efraimi akave baba werudzi rwema Efraimi.

Rudzi rwaEfraimi

Efraimi akapiwa hudangwe muIsraeri (Ⅰ Mak. 5:1–2; Jer. 31:9). Mumazuva ekupedzisira nebasa ravo kutakura hupirisita, kuenda neshoko revhangeri rakadzorerwa pasi rose, nokusimudza mureza kuti vaunganidze Israeri yakapararira (Isa. 11:12–13; 2 Ni. 21:12–13). Vana vaEfraimi vachagadza nokubwinya avo vanobva kunyika dziri kuchamhembe vanodzoka mumazuva ekupedzisira (D&Z 133:26–34).

Rukuni rwaEfraimi kana Josefa

Zvinyorwa zvechikwata chimwechete kubva kurudzi rwaEfraimi chakatungamirwa kubva Jerusarema kuenda America kuma 600 Kristu asati azvarwa. Zvinyorwa zvechikwata ichi zvinonzi rukuni rwaEfraimi kana Josefa, kana Bhuku raMormoni. Iro nerukuni rwaJuda (Bhaibheri) anoita uchapupu hwakabatanidzwa hwaIshe Jesu Kristu, kumuka kwake kuvakafa, nebasa rake dzvene muzvikamu zviviri izvi zvemba yaIsraeri.