Zvibatsiro Zvekudzidza
Josefa, Murume waMaria


Josefa, Murume waMaria

Murume waMaria, amai vaJesu. Josefa aiva chizukuru chaDavidi (Mat. 1:1–16; Ruka 3:23–38) uye aigara muNazareta. Akanga akavimbisana naMaria. Chinguva chidikidiki vasati vachata, Maria akatambira kushanyirwa kubva kungirozi Gabrieri, iyo yakataura kuti Maria akanga asarudzwa kuti ave amai veMuponesi (Ruka 1:26–35). Josefa akatambirawo zvakazarurwa nezvekuzvarwa kutsvene uku (Mat. 1:20–25).

Maria aiva iye chete mubereki waJesu pano pasi nokuti Mwari Baba ndivo baba vaJesu. Asi maJuda vaifunga kuti Josefa ndiye baba vaJesu, uye Jesu aimubatawo saizvozvo (Ruka 2:48, 51). Ayambirwa nehope dzekudenga, Josefa akachengetedza karusvava Jesu nokutizira kuEgipita (Mat. 2:13–14). Mushure mekunge Herode afa, ngirozi yakataurira Josefa kuti atore Kristu mwana adzokere kuIsraeri (Mat. 2:19–23).