Zvibatsiro Zvekudzidza
Jaromu


Jaromu

MuBhuku raMormoni, mwanakomana waEnosi nemwana wemwana wemwana waRihai. Akachengetedza zvinyorwa zvemaNifai kwemakumi matanhatu emakore, 420–361 Kristu asati azvarwa, (Eno. 1:25; Jar. 1:13). Aive murume anerutendo akasarudza kusanyora zvakanyanya muzvinyorwa zvemagariro avaiita (Jar. 1:2).

Bhuku raJaromu

Kune gumi rine shanu remavhesi chete mubhuku iri riri muBhuku raMormoni. Jaromu akanyora kuti maNifai vakaramba vachigara mumutemo waMosesi uye vachitarisira kuuya kwa Kristu. Vai tungamirwa nemadzimambo aive varume vakasimba verutendo. Vakabudirira sekuteerera kwavaiita maporofita, vapirisita nevadzidzisi.