Zvibatsiro Zvekudzidza
Magwaro aPauro


Magwaro aPauro

Mabhuku gumi nemana muTestamente Itsva akanga, pakutanga, ari tsamba dzakanyorwa neMuapositori Pauro kunhengo dzeChechi. Dzinogona kuiswa muzvikwata sezvizvi:

Ⅰ naⅡ VaTesaronika (50–51 Kristu azvarwa)

Pauro akanyorera magwaro kuvaTesaronika ari kuKorinte panguva yerwendo rwake rwehushumiri rwechipiri. Basa rake muTesaronika rinotsanangurwa muna Mabasa 17. Aida kudzokera kuTesaronika, asi akatadza kuzviita (Ⅰ VaT. 2:18). Saka nokudaro akatumira Timotio kunokuridzira vakatendeuka nokuzomuunzira shoko rekuti vari kudii. Rugwaro rwekutanga raida kuratidza kutenda kwake pakudzoka kwaTimotio. Rugwaro rwechipiri rakanyorwa kwangopfuura chinguva chidiki-diki.

Ⅰ naⅡ VaKorinte, VaGaratia, VaRoma (55–57 Kristu azvarwa)

Pauro akanyora magwaro kuvaKorinte panguva yerwendo rwake rwechitatu rwekupindura mibvunzo nokugadzirisa kusagadzikana kwezvinhu pakati peVatendi muKorinte.

Rugwaro rwevaGaratia ringangove rakanyorwa kumapazi eChechi mazhinji muGaratia yose. Dzimwe nhengo dzeChechi dzakange dzosiya vhangeri dzoda murau wemaJuda. Mutsamba iyi, Pauro akatsanangura basa remurau waMosesi nokukosha kwekunamata kwemweya.

Pauro akanyorera rugwaro kuvaRoma ari kuKorinte, muchikamu achigadzirira Vatendi veRoma kurwendo rwaakanga achitarisira kuita kwavari. Tsamba iyi yaisimbisa zvakare dzidziso dzaipikiswa nevamwe vemaJuda vakanga vatendeukira kuChikristu.

VaFiripi, VaKorose, VaEfeso, Firemoni, VaHeberu (60–62 Kristu azvarwa)

Pauro akanyora magwaro aya ari mutirongo kwenguva yekutanga muRoma.

Pauro akanyorera magwaro kuvaFiripi kunyanya kutaura kutenda kwake nerudo rwake kuVatendi vemaFiripo nokuvafadza mukugumburwa kwavo nokuiswa kwake mutirongo kwenguva refu.

Pauro akanyora rugwaro kuvaKorose nepamusana pekuti Vatendi vechiKorose vakanga vachiwira mukukanganisa kwakaipa zvikuru. Vaidaira kuti kukwana kunounzwa nekuchenjerera kutarisa zvisungo zvekunze chete pane kudziridza unhu hwakafanana nehwaKristu.

Rugwaro rwemaEfeso rinokosha zvikuru, nokuti rine kudzidzisa kwaPauro nezveChechi yaKristu.

Rugwaro kunaFiremoni itsamba yake inotaura nezvaOnesimo, nhapwa yakanga yapazira tenzi wayo, Firemoni, ndokutizira kuRoma. Paura akadzorera Onesimo kuna tenzi wake netsamba yaikumbira kuti Onesimo aregererwe.

Pauro akanyora rugwaro kumaHeberu kunhengo dzeChechi dzechiJuda achivanyengetedza kuti mutemo waMosesi wakanga wazadzikiswa muna Kristu nokutiwo mutemo wevhangeri raKristu ndiwo wakatora nzvimbo yawo.

Ⅰ naⅡ Timotio, Tito (64–65 Kristu azvarwa)

Pauro akanyora magwaro aya mushure mekusunungurwa kubva mutirongo muRoma kwenguva yekutanga.

Pauro akafamba kuenda kuEfeso, uko kwaakasiya Timotio kuti amise makuhwa akasiyana-siyana, iye aine pfungwa dzekuzodzokera zvakare. Akanyora rugwaro rwake rekutanga kuna Timotio, zvimwe ari kuMakedonia, kuraira nokumukuridzira mukuzadzikisa basa rake.

Pauro akanyora rugwaro rwake kuna Tito panguva yaakanga asunungurwa kubva mutirongo. Angangove akamboshanyira Krita, uko kwaishanda Tito. Tsamba iyi inotaura zvikuru nokugara kwakarurama nekuzvibata muChechi.

Pauro akanyora rugwaro rwake rechipiri kuna Timotio ari mutirongo kechipiri, chinguva chidiki-diki asati aurairwa rutendo rwake. Rugwaro iri rune mazwi aPauro ekupedzisira ichiratidza kusatya kunoshamisa nokuvimba kwaakatarisa nako rufu.