Zvibatsiro Zvekudzidza
MaRamani


MaRamani

Chikwata chevanhu muBhuku raMormoni, vazhinji vacho vaive zvizvarwa zvaRamani, mwanakomana mukuru waRihai. Vainzwa kuti vakange vakanganisirwa naNifai nezvizvarwa zvake (Mosaya 10:11–17). Nokudaro, vakapandukira maNifai uye kazhinji vairamba dzidziso yevhangeri. Zvisine, chinguvachidiki Jesu Kristu asati azvarwa, maRamani vakabvuma vhangeri uye vakave vakarurama kupfuura maNifai (Hir. 6:34–36). Mazana maviri emakore mushure mekunge Kristu ashanyira America, vose maRamani nemaNifai vakave nehutsinye uye vakatanga kurwisana. Munana 400 Kristu azvarwa, maRamani akaparadza zvekupfukudzira rudzi rwemaNifai.