Zvibatsiro Zvekudzidza
Imba Yekuchengetera


Imba Yekuchengetera

Inzvimbo umo bhishopi anogashirira, anochengetera muravimbo nekuzogovera kuvarombo mupiro yakapirwa yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Hozi yega-yega inotarirwa kuve huru kana diki sezvinenga zvichidiwa. Vatendi vakatendeka vanopa zvipo, njere, zvinhu nemari yavanokwanisa kuna bhishopi kuti achengetese varombo munguva dzekushaya. Saka, hozi ingangove nezvinogona kushandiswa, mari, zvekudya, kana zvimwewo zvinhu. Bhishopi ndiye mumuririri wehozi uye anogovera zvinhu kana mabasa maererano nezvinenge zvichidiwa nematungamiriro eMweya waIshe (D&Z 42:29–36; 82:14–19).