Zvibatsiro Zvekudzidza
Mushumiri


Mushumiri

Kuita basa raIshe pano pasi. Vashandi vaMwari vakasarudzwa vakafanira kudaidzwa naMwari kuitira kuti vagoita basa rake. Kana vashumiri vechokwadi vachiita kuda kwaIshe, vanomiririra Ishe mumabasa avo uye vachishanda senhumwa dzake (D&Z 64:29), nokudaro vachiita basa rakafanira kuitwa kuti rudzi rwevanhu rwuponiswe. Ishe vakapa Vaapositori, vaporofita, vavhangeri, vapirisita vepamusoro, vane makumi manomwe, magosa, mabhishopi, vapirisita, vadzidzisi, madhikoni, vayamuri, nedzihurumende kuti vatendi vakwaniswe, kuiitira basa reshumiri (VaE. 4:11–16; Ⅰ VaKori. 12:12–28; D&Z 20; 107).