Jeroboami MuTestamente yaKare, Jeroboami aive mambo wekutanga werutivi rwekuchamhembe pakaganurana Israeri. Aive nhengo yerudzi rwaEfraimi. Jeroboami akanga akaipa akatungamira kupandukira imba yaJuda nemhuri yaDavidi. Jeroboami akaisa zvimwari zvezvivezwa muDani neBeteri kuti vazvinamate, Ⅰ Madz. 12:28–29. Ahija akatsiura Jeroboami, Ⅰ Madz. 14:6–16. Jeroboami airangarirwa pamusana pekuunza chitadzo chinotyisa kuIsraeri, Ⅰ Madz. 15:34 (Ⅰ Madz. 12:30).