Soromoni Onawo Bati-sheba; Davidi MuTestamente yaKare, mwanakomana waDavidi naBati-sheba (Ⅱ Sam. 12:24). Soromoni akanga ari kwechinguva mambo wemaIsraeri. Davidi akadaidza Soromoni samambo, Ⅰ Madz. 1:11–53. Davidi akataurira Soromoni kuti afambe munzira dzaIshe, Ⅰ Madz. 2:1–9. Ishe vakamuvimbisa mwoyo unonzwisisa, Ⅰ Madz. 3:5–15. Akatonga vanamai vaviri akaziva amai vemwana chaivo, Ⅰ Madz. 3:16–28. Akataura zvirevo nenziyo, Ⅰ Madz. 4:32. Akavaka temberi, Ⅰ Madz. 6; 7:13–51. Akapira temberi, Ⅰ Madz. 8. Akashanyirwa namambokadzi weSheba, Ⅰ Madz. 10:1–13. Soromoni akaroora kunze kweIsraeri, uye vakadzi vake vakatendeutsira mwoyo wake mukunamata vamwari venhema, Ⅰ Madz. 11:1–8. Ishe vakashatirirwa Soromoni, Ⅰ Madz. 11:9–13. Akafa, Ⅰ Madz. 11:43. Davidi akaporofita pamusoro pekubwinya kwekutonga kwaSoromoni, Mpi. 72. Soromoni akatambira vakadzi vazhinji nemadzimai ekunze, asi vamwe havana kugashirwa kubva kuna Ishe, D&Z 132:38 (Jak. 2:24).