Scripture Stories
Pamusoro peTestamente Yekare


“Pamusoro peTestamente Yekare,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Pamusoro peTestamente Yekare,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Pamusoro peTestamente Yekare

Vimbiso dzaBaba Vokudenga kuvana Vavo kare‑kare

Mufananidzo
Mufananidzo weupenyu tisati tauya panyika

Chikamu chekutanga cheBhaibheri Dzvene iTestamente Yekare. Magwaro matsvene aya akanyorwa nguva refu yakapfuura, kunyangwe Jesu Kristu asati azvarwa. Ane nyaya dzinotibatsira kuva norutendo maAri. Anotidzidzisa kuti munhu woga woga ari panyika chikamu chemhuri yaBaba Vokudenga uye kuti Vanoda vana Vavo.

Deuteronomio 7:7–9; Muporofita Isaya 45:10–12

Mufananidzo
Adama naEva muBindu

MuTestamente Yekare, Jesu Kristu anodaidzwa kunzi Jehova uye Ishe. Anotevera rairidzo dzaBaba Vokudenga. Kubvira panguva yaAdama naEva, Baba Vokudenga vakatuma Ishe Jesu Kristu kuti ataure kuvaporofita Vavo. Baba Vokudenga vanotuma Mweya Mutsvene kutibatsira kuziva kuti mashoko emuporofita ndeechokwadi.

Eksodo 6:2–3; 2 Makoronike 20:20; Muporofita Amosi 3:7; 2 Petro 1:21; Mosesi 2:1

Mufananidzo
Zvizwarwa zvaAdama

Ishe vakavimbisa muporofita Abrahama nemudzimai wake Sara kuti mhuri yavo yaizokura uye igoropafadza pasi rose. Muzukurukomana wavo Jakobo akanga aine mhuri huru iyo yakazova rudzi. Vaidaidzwa kunzi imba yaIsraeri, kana kuti vaIsraeri. Vaporofita vakavadzidzisa kutarisira kunguva iyo Jesu Kristu yaaizouya.

Genesi 15:5–6; 17:1–8; Deutoronomio 18:15; Muporofita Isaya 7:14

Mufananidzo
vanhu vachitarisa kumuraraungu

Nyaya zhinji muTestamente Yekare dzinotaridza kuti Ishe vaichengeta sei vimbiso Dzavo kuvaIsraeri.

Genesi 9:13–17; Muporofita Jeremiah 11:4–5; VaHeberu 11:1–35

Mufananidzo
Mosesi achitaridza tsvimbo kuvanhu

Apo vaIsraeri pavaiteerera kuvaporofita uye paivachengeta mirairo, Ishe vaivabatsira. Apo pavaisateerera, Vaiva vasingakwanisi kuvabatsira.

Deuteronomio 11:26–28; Jobo 36:11–12

Mufananidzo
vana vachiverenga magwaro matsvene

Uri chikamu chemhuri yaBaba Vokudenga. Baba Vokudenga vane tsitsi, uye Vanokuda. Vane zvavakakurongera. Nokuda kwaIshe Jesu Kristu, unokwanisa kudzokera kunogara naBaba Vokudenga zvakare. Sekudzidziswa kwaitwa vaIsraeri, unokwanisa kusarudza kuva nerutendo muna Ishe uye wochengeta mirairo Yavo.

Eksodo 15:2; Deuteronomio 4:31; 5:10; Mosesi 1:39