Scripture Stories
Rakabi naVasori


“Rakabi naVasori,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Rakabi naVasori,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Joshua 2;6

Rakabi naVasori

Sarudzo inoponesa mhuri

Mufananidzo
vanhu muguta vakatarisa kure

Mudzimai anonzi Rakabi aigara muJeriko isati yakundwa navaIsraeri. Akanzwa kuti Ishe vakanga vapatsanurira vaIsraeri Gungwa Dzvuku. Rakabi akaziva kuti Ishe vaizobatsira vaIsraeri kurwisa guta rake. Vanhu muJeriko vaiva vanyangadzi.

Joshua 2: 9–11

Mufananidzo
vasori vachivanda kubva kuvarindi

Muporofita Joshua akatungamirira mauto avaIsraeri. Akatumira vasori vaviri muJeriko. Asi vasori vakanga vaonekwa, uye mambo weJeriko akatumira varindi kuti vanovasunga.

Joshua 2:1–3

Mufananidzo
Rakabi achitaura navasori

Vasori vakauya kuimba yaRakabi. Rakabi akabvuma kubatsira vasori, saka akavavanza pamusoro pedenga reimba yake.

Joshua 2:4–6

Mufananidzo
Rakabi achivanza vasori

Varwi vamambo vakatsvaka imba yaRakabi asi havana kukwanisa kuwana vasori. Mushure mokunge vabva, Rakabi akakumbira vasori kuti vadzivirire mhuri yake apo mauto avo paanouya kuzorwisa Jeriko. Vasori vakavimbisa Rakabi kuti mhuri yake yaizochengetedzwa. Zvino Rakabi akakanda tambo napahwindo kuitira kuti vasori vaishandise kutiza.

Joshua 2:3, 12–15

Mufananidzo
Rakabi nemhuri vachitiza kubva muJeriko

Vasori vakadzoka kuna muporofita Joshua uye vakaudza mauto echiIsraeri kuti vasakuvadza ani zvake muimba yaRakabi. Pashure, apo vaIsraeri pavakarwisa Jeriko, vakachengeta vimbiso yavo kuna Rakabi. Ushingi hwaRakabi hwakaponesa mhuri yake. Mhuri yake yakabatana navanhu vaIshe.

Joshua 2:23; 6:25; VaHeberu 11:31