Scripture Stories
Mhuri yaAdama naEva


“Mhuri yaAdama naEva,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Mhuri yaAdama naEva,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Genesi 4; Mosesi 5–6

Mhuri yaAdama naEva

Kusarudza kutevera Ishe

Mufananidzo
Mhuri yaAdama naEva

Mushure mokunge Adama naEva vabuda muMunda weEdeni, vakaenderera mberi nokudzidza pamusoro pachirongwa chaBaba Vokudenga kwavari panyika. Vakava navana vakawanda uye vakavadzidzisa zvose zvavaiziva pamusoro paIshe. Vamwe vana vaAdama naEva vakasarudza kuteerera Ishe. Asi vamwe vavo vakasarudza kusateerera.

Mosesi 5:1–12; 6:15

Mufananidzo
Adama naEva vaine vana, Adama achinyora magwaro matsvene

Mhuri yaAdama naEva yakachengeta bhuku rendangariro. Vakanyora nhoroondo yemhuri yavo mubhuku racho. Vakanyora pamusoro pamabatsirirwo avakaitwa naIshe.

Mosesi 6:5–6

Mufananidzo
Kaini naAberi

Kaini naAberi vaiva vaviri vevanakomana vaAdama naEva. Aberi aida Ishe uye akasarudza kuVatevera. Kaini haana kuteerera Ishe. Akasarudza kupanduka.

Genesi 4:1–16

Mufananidzo
murume akatarisa kuguta

Mhuri yaAdama naEva yakaramba ichikura. Vamwe vanhu vakawanda vakazvarwa. Vose vakanga vaine rusununguko rwokuita sarudzo. Nokufamba kwenguva, vamwe vanhu vakapandukira mirairo yaIshe. Ishe vakatumira vaporofita kunodzidzisa vanhu kutendeuka.

Genesi 4:25–26; Aruma 5:13; 6:23