Scripture Stories
Debora Muporofitakadzi


“Debora Muporofitakadzi,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Debora Muporofitakadzi,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Vatongi 4–5

Debora Muporofitakadzi

Mutungamiri uyo akabatsira Israeri kuvimba naIshe

Mufananidzo
Debora Mupurofitakadzi

Debora aiva muporofitakadzi, mutungamira akatendeka wechiIsraeri uyo akafemerwa naIshe. Vanhu vake vakanga varegera kuchengeta mirairo yaIshe, uye vaKanani vakatonga pamusoro pavo. Mushure memakore makumi maviri, vaIsraeri vakatanga kunamatira rubatsiro rwaIshe.

Vatongi 4:1–5

Mufananidzo
Debora achinamata

Ishe vakanzwa minamato yavo. Vakaudza Debora kuti aunganidze mauto avaIsraeri kuti varwise vaKanani.

Vatongi 4–6

Mufananidzo
Debora achitaura kumasoja

Mauto echiKanani akanga aine masoja akawanda uye nengoro dzakawanda. Izvi zvakaita kuti mauto echiIsraeri atye, asi kwete Debora. Aiziva kuti Ishe vaizovabatsira.

Vatongi 4:3, 7

Mufananidzo
Baraki achikumbira Debora kuti auye

Baraki aiva mutungamiri wamauto avaIsraeri. Aiva asingadi kurwa. Asi akafunga kuti kana Debora akaenda namauto, Ishe vaizovadzivirira. Debora akabvuma kuenda. Akaporofita kuti mudzimai aizokunda Sisera, mutungamiri wamauto echiKanani.

Vatongi 4:8–9

Mufananidzo
Debora namauto vari pamusoro pegomo

Mauto echiIsraeri vakaungana pagomo, uye vaKanani vakaungana mumupata. Debora akaudza Baraki kuti adzike zasi kubva mugomo. Akavimbisa kuti Ishe vaizova navo.

Vatongi 4:12–14

Mufananidzo
ngoro dzichikukurwa mudutu

Ishe vakatumira mvura, uye ngoro dzavaKanani dzakakukurwa mumvura. VaKanani vakawanda vakanyura murwizi, asi Sisera akatiza.

Vatongi 4:15, 17; 5: 4–5, 19–22

Mufananidzo
Jaeri achikoka Sisera mutende

Mudzimai ainzi Jaeri aigara mutende yaiva pedyo. Akaona Sisera achimhanya uye akamuudza kuti avande mutende yake. Jaeri aiziva kuti aiva ari mutungamiri wamauto echiKanani uye akamuuraya kuitira kuti asakuvadza vamwe vanhu vakawanda.

Vatongi 4:15–21

Mufananidzo
Debora achiwongorora guta rine runyararo

Huporofita hwaDebora hwakazadzikiswa. Sisera akakundwa nemudzimai aiva gamba. Debora akaimba rumbo kuitira kubatsira vaIsraeri kuti varangarire maponeserwo avakaitwa naIshe. VaIsraeri vakachengeta mirairo uye vakararama murunyararo kwamakore makumi mana.

Vatongi 5:1, 24–27, 31