Scripture Stories
Davidi naGoriati


“Davidi naGoriati,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Davidi naGoriati,” Nyaya dzeTestamente Yekare

1 Samueri 17

Davidi naGoriati

Kutarisana nechiedzo chakakura zvikuru

Mufananidzo
Goriati

VaFiristia vakanga vachirwisa vaIsraeri. Mangwanani ega ega hofori yemuFiristia yainzi Goriati yaisvosva upi zvake muIsraeri kuti arwe naye. Goriati aive akakura uye akareba kupfuura munhu upi zvake, uye aityisa. Aipfeka nguo dzehondo dzairema uye aitakura munondo, pfumo uye nenhoo huru. Hapana aiva neushingi hwekurwisana naye.

1 Samueri 17:1–11

Mufananidzo
Mauto eIsraeri achidya

Davidi aiva mukomana wechidiki aiva mufudzi uyo akanga aine rutendo muna Ishe. Madzikoma ake aiva masoja mumauto eIsraeri. Rimwe zuva, Davidi akaendesera madzikoma ake zvokudya. Apo paakasvika pamusasa wemauto, akanzwa kusvosva kwaGoriati.

1 Samueri 17:20–23

Mufananidzo
Davidi achitaura nemasoja

Davidi akabvunza masoja kuti sei pakanga pasina aidzivirira Israeri. Vakoma vake vakatsamwa uye vakamutaurira kuti aende kunochengeta hwai. Asi Davidi aiziva kuti Ishe vaizodzivirira Israeri.

1 Samueri 17:24–30

Mufananidzo
Davidi achitaura naMambo Sauro

Mambo Sauro aiziva nezverutendo rwaDavidi, saka akakumbira kuona Davidi. Davidi akataurira Sauro kuti akanga asingatye kurwisa Goriati. Davidi akatsanangura kuti pane imwe nguva apo paaichengeta makwai ake, akauraya shumba nebheya. Ishe vakamudzivirira ipapo, uye Davidi aiziva kuti vaizomudzivirira iyezvino.

1 Samueri 17:31–37

Mufananidzo
Davidi achiedza nguwo dzehondo.

Sauro akapa Davidi nguwo dzake dzehondo. Asi dzakanga dzisingakwane, saka Davidi akadzikurura. Akasarudza kurwa asina kupfeka nguwo dzehondo.

1 Samueri 17:38–39

Mufananidzo
Davidi akabata mabwe

Davidi akaunganidza hurungudo shanu uye akadziisa muhombodo. Akatora chipfuramabwe chake uye mudonzvo wemufudzi uye akaenda kunorwa naGoriati.

1 Samueri 17:40

Mufananidzo
Davidi achitaura naGoriati

Apo Goriati paakaona Davidi, akadaidzira uye akamunyomba. Akati mukomana aiva mufudzi haaizokwanisa kumukurira. Davidi akadaidzira mukupindura kwaari kuti aivimba naIshe kumudzivirira! Davidi akati aizokurira Goriati kuratidza hukuru hwaIshe.

1 Samueri 17:42–47

Mufananidzo
Davidi achirwa naGoriati

Davidi akamhanya akananga kuna Goriati. Akakurumidza kukanda ibwe nechipfuramabwe chake. Ibwe rakarova Goriati pahuma, hofori yemurume ikawira pasi. Ishe vakabatsira Davidi kukurira Goriati asina munondo kana nguwo dzehondo.

1 Samueri 17:48–50

Mufananidzo
Davidi neMutumbi waGoriati

Apo vaFiristia pavakaona kuti Goriati aiva afa, vakatiza nekutya. VaIsraeri vakakunda muhondo yacho. Davidi akavimba naIshe, uye Ishe vakadzivirira Israeri.

1 Samueri 17:51–53