Scripture Stories
Davidi Mudiki


“Davidi Mudiki,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Davidi Mudiki,” Nyaya dzeTestamente Yekare

1 Samueri 16

Davidi Mudiki

Mufudzi wechikomana akadaidzwa kuva mambo.

Mufananidzo
Samuel achifamba

Ishe vakatuma muporofita Samueri kuti awane mambo mutsva. Sauro, aiva mambo panguva iyoyo, akanga arega kutevera Ishe. Ishe vakaudza Samueri kuti aende muBeti-rehemi uye anowana murume ainzi Jese. Mambo mutsva aizova mumwe wevanakomana vaJese.

1 Samueri 16:1–5

Mufananidzo
Samueri nevanakomana vaJese

Vanakomana vakurusa vaJese vaiva varefu uye vakasimba. Asi Ishe vakaudza Samueri kuti asavasarudza maererano nekuratidzika kwavo.

1 Samueri 16:6–10

Mufananidzo
Samueri achitaura kunaJese

Samueri akabvunza Jese kana akanga aine vamwe vanakomana. Jese akati mwanakomana wake mudukusa, Davidi, aiva achifudza makwai. Davidi akaunzwa kuna Samueri.

1 Samueri 16:11

Mufananidzo
Samueri naJese vachitarisa kuna Davidi mukomana mufudzi

Davidi aiva ari muduku kupfuura madzikoma ake uye aingova mukomana aiva mufudzi. Asi Ishe havana kuita hanya nekuratidzika kwaiita Davidi. Ishe vaiziva kuti mwoyo waDavidi waiva wakazara nerutendo. Vakaudza Samueri kuti Davidi aizova mambo. Samueri akaropafadza Davidi. Mweya waIshe wakagadzirira Davidi kuti ave mambo.

1 Samueri 16:12–13