Scripture Stories
Mosesi Mucheche


“Mosesi Mucheche,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Mosesi Mucheche,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Eksodo 1–2

Mosesi Mucheche

Kuchengetedza mutungamiriri weramangwana wevaIsraeri

Mufananidzo
Farao akatarisa nyika

Mhuri yaJakobo yakava vanhu vakawanda zvikurusa muEgipita. Vaidaidzwa kunzi vaIsraeri. Farao, mambo weEgipita, akatya kuti rimwe zuva kwaizova navaIsraeri vakawanda zvakanyanyisa uye kuti vaizotora Egipita, saka akaita vaIsraeri nhapwa dzake.

Eksodo 1:7–14

Mufananidzo
masoja akatarisa parwizi

Farao zvino akaraira kuti vanakomana vose vechiIsraeri vakanga vachangozvarwa vaurayiwe. Mhuri dzechiIsraeri dzakatya zvikuru.

Eksodo 1:15–22

Mufananidzo
Jokebedi, Miriami, uye Mosesi mucheche vari murwizi

Amai vechiIsraeri vainzi Jokebedi vakafunga nzira yekuponesa mwanakomana wavo akanga achangozvarwa. Vakaisa mwana wavo mucheche mutswanda uye vakaviga tswanda muhuswa hurefu paRwizi rweNile. Hanzvadzi yemwana yainzi Miriami yakamutaririra kuitira kuti amuchengetedze kubva kunjodzi.

Eksodo 2:1–4

Mufananidzo
Mwanasikana waFarao akabata Mosesi mucheche

Apo paaigeza murwizi, mwanasikana waFarao akawana tswanda yacho. Akaona mwana mucheche wechiIsraeri uyo aiva asina dziviriro achichema uye akada kumurera semwana wake pachake. Miriami akauya kumwanasikana waFarao uye akabvunza kana aikwanisana kuunza mudzimai wechiIsraeri kuzochengeta mwana mucheche uyu.

Eksodo 2:5–6

Mufananidzo
Mwanasikana waFarao, Jokebedi, Miriami, uye Mosesi mucheche

Miriami akaunza amai vake, Jokebedi, kumwanasikana waFarao. Mwanasikana waFarao akabvuma kubhadhara Jokebedi kuti achengete mucheche uyu.

Eksodo 2:8–9

Mufananidzo
Mwanasikana waFarao, Jokebedi, naMosesi

Mwana mucheche wechiIsraeri akakura. Mwanasikana waFarao akamurera semwanakomana wake pachake. Akamutumidza kuti Mosesi.

Eksodo 2:10