Scripture Stories
Nehemia


“Nehemia,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Nehemia,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Nehemia 1–2; 4; 6

Nehemia

Kuvakazve rusvingo rwemuJerusarema

Mufananidzo
Mambo Nehemia, akatarisa

Nehemia aiva muJuda aigara muPersia. Aiva muranda waMambo aivimbwa naye. Rimwe zuva Nehemia akanzwa kuti vaJuda vaiva muJerusarema vaitambudzika. Masvingo aidzivirira Jerusarema aiva aparadzwa uye akanga asina kuzombovakwazve. Jerusarema yaiva iri munjodzi. Nehemia akatsanya uye nekunamatira rubatsiro rwaIshe.

Nehemia 1

Mufananidzo
mambo achitaura kuna Nehemia pamusoro perusvingo

Mambo akabvunza Nehemia kuti sei aiva akasuwa kudaro. Akaudza mambo pamusoro penjodzi yaiva muJerusarema. Mambo akati aikwanisa kubatsira. Nehemia akakumbira kuenda kuJerusarema uye akanovakazve rusvingo rwacho. Mambo akaita Nehemia mutungamiri uye akamupa zvekushandisa zvaaida.

Nehemia 2:2–8

Mufananidzo
Nehemia achivaka rusvingo, vavengi vakatarisa

Nehemia navaJuda vakatanga kuvakazve masvingo eJerusarema. Asi vavengi vavo vakavaseka uye vakaedza kuvamisa.

Nehemia 2:17–20

Mufananidzo
vanhu vachinyomba Nehemia

Vavengi vakaedza kunyengedza Nehemia kuti abude muguta. Asi Nehemia haana kubuda. Akavimba naIshe. Aiva achiita basa guru.

Nehemia 6:2–4.

Mufananidzo
Nehemia akamira pamusoro perusvingo rwakapera

Nehemia akaudza vanhu vake kuti vasatye. Vakaisa varindi parusvingo kuti varuchengetedze. VaJuda vakaramba vachivaka rusvingo rwacho. Ishe vakapa vaJuda simba, uye vakapedza rusvingo rwacho mumazuva makumi mashanu namaviri. Jerusarema yakava yakachengetedzeka zvakare.

Nehemia 4:6–15; 6:5–9, 15–16