Scripture Stories
Samueri Muporofita


“Samueri Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Samueri Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

1 Samueri 2–3

Samueri Muporofita

Mukomana akadaidzwa naIshe

Mufananidzo
Eri achitaura navarume

Kwenguva refu, vaIsraeri vakanga vasina muporofita waIshe kuvatungamirira. Panzvimbo paizvozvo, vatongi vakatonga muIsraeri kwemakore mazhinji. Panguva iyi, Hana akauya nemwanakomana wake mudiki Samueri kuzogara naEri, mupirisita uye mutongi weIsraeri. Samueri aibatsira Eri mutemberi.

1 Samueri 2:11, 18, 26; 3:1

Mufananidzo
Vanakomana vaEri vachiba zvinhu

Vanakomana vaviri vaEri vaishandirawo mutemberi, asi vaiba mipiro yaipirwa kuna Ishe. Vamwe vanhu vakanyunyuta kuna Eri, asi Eri haana kuvaranga.

1 Samueri 2:12–17, 22–23

Mufananidzo
Samueri

Mamwe manheru Samueri akanzwa inzwi richimudaidza. Akafunga kuti ndiEri, saka Samueri akaenda kwaari. Asi Eri haana kunge amudaidza. Eri akataurira Samueri kuti adzokere kunorara.

1 Samueri 3:3–5

Mufananidzo
Samueri achitaura naEri

Samueri akanzwa inzwi richimudaidza kechipiri. Akaenda kuna Eri uye akabvunza izvo zvaaida. Asi Eri haana kunge amudaidza. Eri akataurira Samueri kuti aende kunorara.

1 Samueri 3: 6

Mufananidzo
Eri achitaura naSamueri

Samueri akanzwa inzwi richimudaidza kechitatu. Akaenda kuna Eri zvakare uye akabvunza izvo zvaaida. Panguva iyi, Eri akaziva kuti vakanga vari Ishe vaitaura naSamueri. Eri akataurira Samueri kuti adzokere kunorara. Eri akati kana Ishe vakadaidza zvakare, Samueri anofanira kuteerera.

1 Samueri 3:8–9

Mufananidzo
Samueri achitaura naMwari

Samueri akanzwa inzwi richimudaidza zvakare. Panguva iyi Samueri akakumbira Ishe kuti vataure uye akati aizoteerera. Ishe vakataurira Samueri kuti zvakanga zvisina kururama kuti Eri arege vanakomana vake vakanyangara vachishandira mutemberi. Mhuri yaEri yaisazobvumidzwa kushandiramo zvakare.

1 Samueri 3:10–14

Mufananidzo
Samueri naEri vachitaura

Zuva rakatevera, Eri akabvunza Samueri zvakanga zvataurwa naIshe. Samueri akamutaurira. Eri akaziva kuti Ishe vakataura kuburikidza naSamueri.

1 Samueri 3:15–18

Mufananidzo
Samueri akatarisa vanhu

Nhau idzi dzakapararira nemunyika yose yeIsraeri. Vanhu vakaziva kuti Ishe vakasarudza Samueri kuti ave muporofita Wavo.

1 Samueri 3:19–20