Scripture Stories
Mambo Josia


“Mambo Josia,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Mambo Josia,” Nyaya dzeTestamente Yekare

2 Madzimambo 22; 2 Makoronike 34–35

Mambo Josia

Kutsvaka kuteerera mirairo yaIshe

Mufananidzo
mambo Josia mudiki

Josia akanga ave nemakore gumi ekuberekwa apo paakaitwa mambo weJuda. Aiva ari mambo akanaka uyo aida Ishe. Aida kubatsira vanhu vake, vaIsraeri, kuti vateerere Ishe uye varege kunamata zvifananidzo. Apo paaiva akura, iye navanhu vake vakatanga kugadzira temberi uye kuita kuti ive yakanaka zvakare.

2 Madzimambo 22:1–2; 2 Makoronike 34:3–7

Mufananidzo
Hirkia achiwana mupunduru mutemberi yakaputsika

Apo vanhu pavaiva vachishanda patemberi, Hirkia mupirisita mukuru akawana bhuku romutemo, mupunduru uyo waiva nezvinyorwa zvitsvene.

2 Madzimambo 22:3–9

Mufananidzo
Mambo Josia akasuwa ari kuteerera kubhuku romurairo

Muranda akaverenga bhuku kuna Josia. Josia akanzwa mashoko uye akasuwa nokuda kwokuti vanhu vake havana kuteerera Ishe. Akabvarura nguwo dzake kutaridza kuti aiva asuwa.

2 Madzimambo 22:10–13, 19

Mufananidzo
Varanda vaJosia vachitaura kuna Hirkia

Akaudza Hirkia kuti abvunze Ishe izvo zvaaifanira kuita. Hirkia navaranda vamambo vanoshanyira Hurda. Aiva muporofitakadzi, mutungamiri akatendeka uyo akafemerwa naMwari. Akati Ishe aifara naJosia nokuda kwokuti aibatsira vanhu kuteerera. Ishe vakavimbisa kuti Mambo Josia aizorarama murunyararo.

2 Madzimambo 22:12–20

Mufananidzo
Mambo Josia pakudya kwamanheru kwePaseka

Mambo Josia aida kuti vanhu vake vachengete vimbiso dzavo kuna Ishe. Akavakumbira kuti vapemberere Paseka kuitira kuvabatsira kurangarira masununguriro akaita Ishe vaIsraeri kare kare muEgipita.

2 Makoronike 35:1–19