Scripture Stories
Erisha Muporofita


“Erisha Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Erisha Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

2 Madzimambo 2; 4

Erisha Muporofita

Zvishamiso zvaIshe

Mufananidzo
Eria achitaura naErisha

Kuburikidza nemuporofita Eria, Ishe vakagadzirira Erisha kuti ave muporofita anotevera. Zvino Ishe vakatora Eria kuenda kudenga.

2 Madzimambo 2:1–15

Mufananidzo
mudzimai achidira mafuta

Ishe vakabatsira Erisha kuita zvishamiso zvizhinji. Erisha pane imwe nguva akaropafadza mafuta emudzimai murombo kuti azadze zvirongo zvizhinji. Zvino mudzimai uyu akatengesa mafuta acho kuti abhadhare zvikwereti zvake.

2 Madzimambo 4:1–7

Mufananidzo
Erisha achitaura kumhuri.

Pane imwe nguva, mudzimai akatendeka akashandira Erisha uye akamuitira tsitsi zvikuru. Erisha akamubvunza zvaangakwanisa kuita kuti amushandire. Aiva nechishuviro chokuti ave nemwana. Erisha akamuropafadza iye nemurume wake kuti vave nemwanakomana.

2 Madzimambo 4:8–17

Mufananidzo
mhuri ichipemberera

Asi mushure memakore mashoma, mwanakomana uyu akarwara uye akafa. Mudzimai uyu akaenda kunotsvaga Erisha nokuda kwokuti aiva nerutendo rwekuti aikwanisa kuponesa mwanakomana wake. Erisha akauya akaropafadza mukomana uyu, uye akararama zvakare. Ishe vakabatsira Erisha kuita zvishamiso zvizhinji. Akanga ari muporofita mukuru waIshe.

2 Madzimambo 4:18–37