Scripture Stories
Jeremia Muporofita


“Jeremia Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Jeremia Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Muporofita Jeremia 1:52

Jeremia Muporofita

Akadaidzwa asati azvarwa

Mufananidzo
Jeremia akadaidzwa semuporofita

Jeremia aigara muJerusarema apo paaiva mudiki. Rimwe zuva Ishe vakauya kuna Jeremia uye vakamudaidza kuti ave muporofita. Ishe vakaudza Jeremia kuti akasarudzwa kuva muporofita asati azvarwa. Ishe vaiziva kuti upenyu hwaJeremia hwaizova hwakaoma. Asi Vakavimbisa Jeremia kuti Vaizova naye nguva dzose.

Jeremia 1:1–10

Mufananidzo
Jeremia achiyambira vanhu

Vanhu muJerusarema havana kuchengeta vimbiso dzavo naIshe. Nekuda kwehunyangadzi hwavo, Jeremia akayambira vanhu vacho kuti vaizokundwa. Ishe vakati kana vakachengetea zuva reSabata riridzvene guta reJerusarema haraizoparadzwa. Asi vanhu havana kuteerera.

Muporofita Jeremia 6:1–19; 8–9; 17:21–27

Mufananidzo
Jeremia ari mutirongo

Jeremia akadzidzisa vanhu kwemakore mazhinji. Asi havana kutendeuka. Panzvimbo paizvozvo, vakakuvadza Jeremia uye vakamukanda mutirongo.

Muporofita Jeremia 20:2; 26:8–9; 37:15–18; 38:6

Mufananidzo
Jeremia akatarisa Jerusarema ichiparadzwa

Jeremia aida vanhu. Akachema nokuda kwezvivi zvavo. Sekutaura kwaakaita, Jerusarema rakaparadzwa, uye vanhu vakatorwa.

Muporofita Jeremia 9:1–8; 25:9–12; 52:1–10

Mufananidzo
Jeremia achinyora huporofita

Jeremia akatorwa kuenda kuEgipita. Ishe vakamuudza kuti anyore pasi huporofita hwake. Jeremia akateerera kuna Ishe, kunyangwe apo zvinhu pazvaiva zvakaoma. Akaenderera mberi nokutaurira vanhu vake kuti vachengete vimbiso dzavo naIshe.

Muporofita Jeremia 36; 1–2; 27–32