Scripture Stories
Mosesi paGomo reSinai


“Mosesi paGomo reSinai,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Mosesi paGomo reSinai,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Ekosodo 19–20; 24; 31–34; Deuteronomio 4–7

Mosesi paGomo reSinai

Kubatsira vanhu kurangarira Ishe

Mufananidzo
Gomo reSinai

Mosesi navaIsraeri vakafamba nomurenje. Vakasvika pagomo rainzi Gomo reSinai.

Eksodo 19:1

Mufananidzo
Mosesi achinamata

Mosesi akakwira mugomo kunotaura naIshe. Ishe vakaudza Mosesi kuti Vaida kutaura navaIsraeri vakatarisana navo.

Eksodo 19:3, 9–11

Mufananidzo
gore rakakomberedza gomo

VaIsraeri vakauya kuzasi kweGomo reSinai, uye Ishe vakakonzera kuti gore rechiutsi rikomberedze gomo. Ishe vaiva vari mugore. Vakataura kuvaIsraeri uye vakavapa mirairo. Gomo rakadengenyeka apo paVaitaura.

Eksodo 19:16–19; 20:1–17; Deutoronomio 4:12 -13 , 33; 5:4–5

Mufananidzo
VaIsraeri vachitya

VaIsraeri vaitya. Vakakumbira Mosesi kuti ataure naIshe kuitira kuti Mosesi agovaudza izvo Ishe zvavaida.

Eksodo 20:18–19

Mufananidzo
Vakuru vechiIsraeri pagomo

Mosesi akatora Aroni uye vakuru vechiIsraeri makumi manonwe kuenda kugomo kuti vanogamuchira zvimwe zvakawanda zvedzidziso dzaIshe. Ishe vakazvitaridza kwavari.

Eksodo 24:1, 9–11

Mufananidzo
Ishe vachinyora pamahwandefa kuitira Mosesi

Zvino Ishe vakaudza Mosesi kuti asiye vakuru uye akwire kunyangwe kumusoro‑soro kwegomo. Mosesi akateerera. Ishe vakashandisa chigunwe Chavo kunyora mutemo Wavo uye mirairo Yavo pamahwendefa amabwe. Kwamazuva makumi mana, Ishe vakadzidzisa Mosesi zvinhu zvizhinji.

Eksodo 24:12–18; 31:18

Mufananidzo
VaIsraeri vachigadzira mhuru yegoridhe

Apo Mosesi paaiva muGomo reSinai, vanhu veIsraeri vakaneta nokumumirira. Vakaudza Aroni kuti avagadzirire zvifananidzo zvokuti vanamate sezvavakanga vachiita muEgipita. Aroni akaunganidza goridhe ravo uye akavagadzirira chifananidzo chemhuru.

Eksodo 32:1–4

Mufananidzo
VaIsraeri vachinamata mhuru yegoridhe

VaIsraeri vakanamata mhuru yegoridhe uye vakapira mibayiro. Vakati mhuru yegoridhe, kwete Ishe, ndiyo yakavasunungura kubva kuEgipita.

Eksodo 32: 4–6, 21–24

Mufananidzo
Mosesi akadzika kubva mugomo.

Ishe vaiziva kuti vaIsraeri vaiva vari kunamata chifananidzo uye vachiVakanganwa. Vakaraira Mosesi kuti adzokere uye anoudza vanhu kuti vatendeuke.

Eksodo 32:7–10

Mufananidzo
Mosesi achitaura kuvaIsraeri, mhuru yegoridhe inoparadzwa

Mosesi akadzika kubva muGomo reSinai uye akaona vaIsraeri vachinamata mhuru yegoridhe. Akashatirwa zvikuru. Vanhu vaiva vasati vagadzirira kuteerera mutemo uye mirairo iyo Ishe yavakanga vanyora. Mosesi akaputsa mahwendefa uye akaparadza mhuru yegoridhe. Akabatsira vaIsraeri kutendeuka uye kurangarira Mwari vavo vechokwadi.

Eksodo 32:15–20, 25–29

Mufananidzo
Mosesi achinamata

Mosesi akakumbira Ishe kuti varegerere vaIsraeri uye kuti vaite vimbiso navo zvakare. Mosesi akavimbisa kuvatungamira uye nokuvadzidzisa.

Eksodo 32:30–34

Mufananidzo
Mosesi aine mahwendefa eMirairo ine Gumi

Ishe vakakumbira Mosesi kuti agadzire mahwendefa amabwe matsva uye adzokere kuGomo reSinai. Ishe vakaita vimbiso itsva navaIsraeri uye vakavapa Mirairo ine Gumi Yavo

Eksodo 20:2–17; 34:1–17,28; Deuteronomio 6:24–25; 7:12–13