Scripture Stories
Erisha Anoporesa Naamani


“Erisha Anoporesa Naamani,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Erisha Anoporesa Naamani,” Nyaya dzeTestamente Yekare

2 Madzimambo 5

Erisha Anoporesa Naamani

Chishamiso chikuru chakatevera sei rutendo rurinyore

Mufananidzo
Naamani aripamubhedha, achirwara

Kure kure muSiria kwaigara murume aidaidzwa kunzi Naamani. Akanga ari kaputeni mukuru mumauto eSiria. Asi Naamani akanga aine chirwere cheganda chinorwadza chinodaidzwa kunzi maperembudzi.

2 Madzimambo 5:1

Mufananidzo
Musikana wechiIsraeri achitaura kumudzimai waNaamani

Murandakadzi wemudzimai waNaamani aiva musikana wechiIsraeri. Musikana uyu akanga aine rutendo muna Ishe. Akataura kuti kana Naamani akakwanisa kushanyira muporofita Erisha, Naamani aizorapwa kubva chirwere chake.

2 Madzimambo 5:2–4

Mufananidzo
Naamani achifamba kuti anowana Erisha

Naamani akafamba rwendo rurefu kuti awane Erisha. Naamani akafunga kuti aizoporeswa nechishamiso chikuru.

2 Madzimambo 5:5–8

Mufananidzo
Naamani achitaura kumuranda waErisha

Naamani akauya kumba kwaErisha nevaranda vake, namabiza ake, uye nengoro dzake. Erisha akatuma muranda wake kuti ape Naamani rairidzo dzaIshe. Ishe vaizoporesa Naamani kana akazvishambidza muRwizi rweJoridani kanomwe.

2 Madzimambo 5:9–10

Mufananidzo
Naamani achinyunyuta ari parwizi

Naamani akashatirirwa nokuti aida kuti muporofita waIshe auye panze uye amuporese nekukurumidza. Naamani akanyunyuta kuti Rwizi Joridani rwaiva rwusina kunaka senzizi huru dzemuSiria.

2 Madzimambo 5:11–12

Mufananidzo
muranda achitaura kuna Naamani parwizi

Asi varanda vaNaamani vakabvunza kuti sei Naamani airamba kuita chinhu chinyore zvakadaro. Kunyangwe dai zvaiva zvisingaiti kunge zvine musoro kuna Naamani, muporofita waIshe akanga amukumbira kuti azviite.

2 Madzimambo 5:13

Mufananidzo
Naamani murwizi rweJoridani, aporeswa

Naamani akarega zvekuva nerudado uye akateerera kuvaranda vake. Akazvishambidza muRwizi rweJoridani kanomwe. Zvino Ishe vakaporesa Naamani, sekutaura kwakaita Erisha. Naamani akaziva kuti Erisha aiva muporofita uye kuti Ishe vaivako pachokwadi.

2 Madzimambo 5:14–15