Scripture Stories
Mambokadzi Estere


“Mambokadzi Estere,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Mambokadzi Estere,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Estere 2–5; 7–9

Mambokadzi Estere

Ushingi munguva yenjodzi

Mufananidzo
Estere ari mumuzinda wamambo

Vamwe vaIsraeri vaidaidzwa kunzi vaJuda. Estere aive muJuda aigara muPersia. Vabereki vake vakafa, saka hama yake Mordekai yakamuchengeta. Akakokwa kumuzinda wamambo pamwechete nedzimwe mhandara munyika umu. Mambo aida mambokadzi mutsva, uye akasarudza Estere.

Estere 2:2–7, 16–17

Mufananidzo
vanhu vachipfugamira Hamani

Mambo aive nemuranda ainzi Hamani uyo akakwirira akava nesimba guru rekutonga. Hamani akabatsira mambo kutonga nyika. Mambo akaita kuti munhu wose apfugamire Hamani.

Estere 3: 1–2

Mufananidzo
Mordekai naHamani

Asi Mordekai akaramba kupfugamira Hamani. Mordekai aipfugamira kuna Ishe chete. Izvi zvakaita kuti Hamani atsamwe. Aida kuranga Mordekai nevaJuda vose.

Eksodo 20:5; Estere 3:5–6, 8

Mufananidzo
musoja achitaura chiziviso kuchikwata chevanhu

Hamani akataurira mambo kuti vaJuda havana kutevera mitemo yamambo. Saka mambo akaita kuti Hamani adzike mutemo mutsva: pane rimwe zuva, vaJuda vose vaizourayiwa.

Estere 3:8–11, 13

Mufananidzo
Modekai achitaura naEstere

Modekai akakumbira Estere kuti ataure namambo. Mambo aikwanisa kuchinja mutemo waHamani uye agoponesa vaJuda. Asi Estere aitya. Dzimwe nguva mambo aiuraya vanhu vaiuya kuzotaura naye vasina kukokwa.

Estere 4: 5–11

Mufananidzo
Estere akatarisa vanhu

Mordekai akakumbira Estere kuti afunge pamusoro pavaJuda vaizourayiwa. Mordekai akati Ishe vanogona kunge vakaisa Estere mumuzinda wamambo kuti aponese vaJuda.

Estere 4:13–14

Mufananidzo
Estere achinamata

Estere aiziva kuti aifanira kutaura namambo, kunyangwe zvaireva kuti aikwanisa kuurayiwa. Estere akakumbira vaJuda nevaranda vake kuti vatsanye pamwechete naye.

Estere 4:15–16

Mufananidzo
Estere akatarisa pamikova

Mushure mekutsanya kwemazuva matatu, Estere akazvigadzirira uye akaenda kunoona mambo.

Estere 5:1

Mufananidzo
Estere achipfugamira mambo

Apo paakasvika kuna mambo, akatambanudza tsvimbo yake yehumambo. Izvi zvaireva kuti mambo akafara kumuona uye haaizomuuraya. Akabvunza zvaaida. Estere akaudza mambo kuti vanhu vake vari munjodzi. Nekuda kwemutemo waHamani, iye navaJuda vose munyika vaizourayiwa.

Estere 5:2–3; 7:4–6

Mufananidzo
musoja achitaura chiziviso kuvanhu

Mambo akatsamwira Hamani uye akamuuraya. Mambo akadzika mutemo mutsva waidzivirira vaJuda. Zvino vaiva vobvumirwa kuzvidzivirira kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza.

Estere 7:9–10; 8:10–11

Mufananidzo
Estere

Rutendo rwaEstere muna Ishe uye ushingi hwake hwekutaura namambo zvakaponesa vanhu vake. Panzvimbo perufu nerusuwo, pakava namabiko. VaJuda vakapemberera.

Estere 8:16–17; 9:18–32