Scripture Stories
Hana


“Hana,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Hana,” Nyaya dzeTestamente Yekare

1 Samueri 1–2

Hana

Mhinduro yaIshe kumudzimai akatendeka

Mufananidzo
Hana anochema achinamata patemberi

Gore roga roga, Hana nemurume wake vaifamba kuenda kuimba yaIshe, temberi. Hana akanga asina vana, saka ainzwa rusuwo rukuru. Akatsanyira nokunamatira mwana mukomana. Hana akavimbisa Ishe kuti kana akaita mwanakomana, mwanakomana wake aizokura kuVashandira.

1 Samueri 1:1–11

Mufananidzo
Eri achitaura kuna Hana

Mupirisita ainzi Eri akaona Hana achichema. Akamuudza kuti Ishe vaizopindura munamato wake. Hana akavimba naIshe uye akanga aine tariro.

1 Samueri 1:12, 17–18

Mufananidzo
Hana nemurume nemwana Samueri

Gore iroro, Hana akaita mwana mukomana. Akamutumidza kuti Samueri.

1 Samueri 1:20–23

Mufananidzo
Hana achiunza Samueri kuna Eri patemberi

Hana akachengeta vimbiso yake kuna Ishe. Apo Samueri paiva akura zvakakwana, akaenda naye kunoshandira muimba yaIshe. Akashandira naEri, mupirisita. Hana akaramba achishanyira Samueri. Akamuunzira zvipfeko izvo zvaaiva amugadzirira. Ishe vakaropafadza Hana navamwe vana vashanu.

1 Samueri 1:24–28; 2:21