Scripture Stories
Isaya Muporofita


“Isaya Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Isaya Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Muporofita Isaya 6–7; 9; 53–54

Isaya Muporofita

Huporofita pamusoro paIshe Jesu Kristu

Mufananidzo
Isaya achidaidzwa naIshe

VaIsraeri vakanga vakundwa panguva dzakawanda uye vaida kuti Ishe vavadzivirire. Rimwe zuva mutemberi, Ishe vakadaidza murume ainzi Isaya kuti adzidzise vanhu pamusoro pekuuya kwaJesu Kristu. Isaya aida vanhu uye akavadzidzisa pamusoro pokuti Kristu aikwanisa kuvaponesa sei.

Muporofita Isaya 6:1–8

Mufananidzo
Isaya anoporofita nezve kuzvarwa kwaJesu

Isaya anodzidza kuti Jesu Kristu aizouya nerimwe zuva kuzoponesa vanhu Vake kubva muchivi. Asi haasi munhu wose aizoMuziva seMuponesi wavo. Isaya akasuwa zvikuru nokuda kwokuti aiziva kuti vanhu vakawanda vaizoramba kutenda muna Jesu Kristu.

Muporofita Isaya 6:9–13; 7:14; 53:1–9

Mufananidzo
Isaya achinyora pamusoro poKuuya kweChipiri kwaKristu.

Asi Isaya akaporofitawo nezve Kuuya kweChipiri kwaJesu Kristu. Jesu Kristu aizodzoka uye ave Mambo wapanyika pose. Aizouya zvakare uye ozadzikisa chirongwa chaBaba Vake kuburikidza nokuunza tsitsi uye norunyararo nariinhi nariinhi. Isaya akati munhu wose aizoziva kuti Jesu Kristu muponesi wavo.

Muporofita Isaya 9:6–7; 54:1–10